Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Kurume 04, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu PF, VaConstantino Chiwenga, vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zvese vana vanyamunhu nekudaro vanofanirwa kuramba vakabatana zvisineyi nekuve nemaonero akasiyana mune zvematongerwo enyika.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, roendesa gwaro renyunyuto kuparamende richichema nemihoro yevarairidzi yarinoti iri pasi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakatiza muUkraine zvichienda kuRomania zvobatsirwa nehurumende pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muEurope nematikiti endege ekuti zvikwanise kuenda kumusha.

Vamwe vagari vekuChikuti kuMhangura vochema vachiti vari kurasikirwa nemombe dzavo mushure mekunwa mvura yavanoti ine muchetura uri kubva mune mimwe migodhi yemunharaunda mavo.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yoenderera mberi kumativi mana ese enyika kunyange hazvo Zimbabwe yakadzingwa munhabvu yepasi rese neFIFA.

Muchikamu chedu cheLiveTalk nhasi manheru na 8:00pm, tiri kutarisa nezvegadziriro yesarudzo dzema by-election dziri kuitwa musi wa 26 Kurume, uye zviri kuitika kuUkraine uko kune hondo yakakonzerwa nekupinda zvine chisimba kweRussia munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG