Accessibility links

Breaking News

America Yowedzera VaMnangagwa neVamwe Vavo Zvirango kweGore


Zimbabwe Independence Celebrations
Zimbabwe Independence Celebrations

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vawedzera negore zvirango zvakatamerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakuru muhurumende mavo nemauto nenyaya yavari kupomerwa yekutyora kodzero dzevanhu.

Mumashoko kudare reCongress kuti riwedzere zvirango izvi, VaBiden vati: “Gore rose rapera vanoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeZimbabwe, mapurisa, nevasori vange vachimbunyikidza vanhu uye kuita mhirizhonga yakananga nemapato anopikisa, vamiriri vevashandi uye vatori venhau.”

Vaenderera mberi vachiti, “Kushaikwa kweshanduko inoremekedza mutemo, hutongo hwejekerere, uye kodzero dzevanhu kuri kusiya vana veZimbabwe vari panguva yakaoma uye zvave kukonzera kusagadzikana kwedunhu rekuchamembe kweAfrica.”

Asi hurumende yeZimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nekuda kwekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Kubva muna 2020 vakawedzera pamazita evakatemerwa zvirango vanosanganisira VaAnsele Sanyatwe vaive mukuru wemauto uye vave mumiriri weZimbabwe kuTanzania, vaive gurukota rezvevasori VaOwen Ncube uye VaKudakwashe Tagwirai muzvinabhizimisi vari chipangamazano chaVaMnangagwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG