Rimwe gweta remuHarare uye vari nhengo yeMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vaenda kudare repamusoro-soro munyika reConstitutional Court nechikumbiro chekuti kutarwa kwakaitwa zuva resadzo dzema by-elections nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kunzi hakusi pamutemo sarudzo idzi dzigoregedzwa kuitwa.
Muchirongwa chedu cheWomens Roundtable chatinotaura nemadzimai na8pm tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika uye zviri kuitika kuUkraine.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum