Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume, 03, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Rimwe gweta remuHarare uye vari nhengo yeMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vaenda kudare repamusoro-soro munyika reConstitutional Court nechikumbiro chekuti kutarwa kwakaitwa zuva resadzo dzema by-elections nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kunzi hakusi pamutemo sarudzo idzi dzigoregedzwa kuitwa.

Mapato eCitizens’ Coalition for Change neZanu PF otatsurana pamusoro pemhirizhonga yezvematongerwo enyika, iyo inonzi neveruzhinji yasvibisa gadziriro dzesarudzo dzema by-elections dziri kutarisirwa kuitwa musi wa 26 Kurume mune mamwe matunhu emunyika
Vamwe vemakereke vanoti bhiri rinoona nezvekunyoreswa nemashandiro emasangano akazvimiririra ega kana kuti Private Voluntary Organisation Amendment Bill richaderedza rubatsiro rwavanopa vanotambura.


Muchirongwa chedu cheWomens Roundtable chatinotaura nemadzimai na8pm tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika uye zviri kuitika kuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG