Accessibility links

Breaking News

Doctor Khupe Vounza Kusawirirana muCCC Apo Vodaidzira Kuti Vanopikisa Vabatane


Doctor Thokozani Khupe, murtungamiri wechimwe chikwata che MDC-T,

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC T Muzvare Thokozani Khupe vati zvakakosha kuti mapato anopikisa abatane pamwe chete kuti akwanise kuunza shanduko inoshuvirwa neveruzhinji munyika.

Pane runyerekupe rwekuti Muzvare Khupe vari kuda kupinda mubato reCCC. Taedza kunzwa kubva kune mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere asi nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Asi mutauriri webato iri mudunhu reBulawayo VaSwithern Chiroodza vati kunyange hazvo nyaya iyi isati yasvika kudunhu ravo, ivo havawirirane nekuti Muzvare Khupe vapinde mubato reCCC.

Amai Khupe mwedzi wapera vakaita musangano nemumwe mutevedzeri weCCC Muzvinafundo Welshman Ncube naVaAbednico Bhebhe wakafungidzirwa nevakawanda vaive nechinangwa chekuti vabate ndima naVaChanisa.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi venhau muBulawayo nhasi Doctor Khupe vati bato reZanu PF riri kuramba riine nemasimba zvisinei nekwavati kutadza kutingamira nyika kwaro vakati izvi zviri kukonzerwa nekuti mapato anopikisa ari kuita mazvake mazvake achitadza kubatana.

Vati bato ravo rakatora danho rekusakwikwidza musarudzo nekuti havasi kuda kupatsanura mavhoti uye vachataura munguva inotevera kuti vari kutsigira ani pasarudzo dzema by election. Vati zvakakosha kuti mapato anopikisa neveruzhinji vanoda shanduko munyika vabatane.

Muzvare Khupe vatiwo pane zvakawanda zvakatadzwa nevatungamiri vemapato anopikisa kubva zvakavambwa bato reMDC vakati zvakakosha kudzidza kubva kunhoroondo iyi.

Vati kupatsanuka kwemapato anopikisa kune chekuita nekushaya nekushaya hanya kwave kuita veruzhinji panyaya dzekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota, vakatsinhira kuti zvakakosha kuti mapato anopikisa abatane.

Muzvare Khupe vakurudzira komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti ifambise sarudzo nenzira yakanaka isingaite kuti pave nemakakatanwa, vakashora mhirizhonga yakaitika pamisangano yebato reCitizens’ Coalition for Change vakati mapurisa anofanirwa kushanda zvakasimba kuti vari kuita izvi vatongwe nemutemo.

Mutauriri webato reMDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora VaWitness Dube vati vanobvuma kuti zvakakosha kuti mapato anopikisa abatane. Asi vati Muzvare Khupe ndivo mumwe wene mhosva yekukonzera kupatsanuka kwemapato anopikisa.

Taedza kunzwa kubva kumutauriri weZanu PF VaChristopher Mutsvangwa pamashoko aMuzvare Khupe ekuti bato ravo riri kutadza kutungamira nyika asi nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Asi vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro rwemaby election muKwekwe nemusi weMugovera mutungamiri wenyika variwo mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vakati mapato anopikisa haana hurongwa hwakajeka hwekuti nyika ibudirire, vachitiwo kutadza kutungamira kwemapato aya ndiko kwaita kuti zvinhu zviwondomoke mumadhorobha emunyika mune makanzura emapato anopikisa.

Zvichakadaro, VaNelson Chamisa, mutungamiri webato reCCC vanotarisirwa kuita musangano wekutsvaga rutsigiro rwemaby election muBulawayo musi weMugovera.

VaChiroodza vati gadziriro yemusangano uyu yasvika pachidanho chepamusoro soro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG