Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, Vanotaura Zvakadzama Pamusoro peMamiriro eZvinhu Munyika, nekuUkraine.


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachitura mashoko avo vari kumuzinda weCapitol muWashington D.C..
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vachitura mashoko avo vari kumuzinda weCapitol muWashington D.C..

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vataura nhasi zvakadzama pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika, pamwe nezviri kuitika mu Ukraine.

VaBiden vasimbaradza mashoko avo ekushora zvakaitwa neRussia zvekupindira muUkraine, umo mune hondo iri kuvhiringa hupenyu hwevanhu pamwe nekuuraya vanhu vakawanda.

VaBiden vati hondo yakatangwa nemutungamiri weRussia, Va Vladimir Putin, ihondo yakanyatsorongwa, vachiti VaPutin vakaramba kutaurirana, uye vaifunga kuti NATO hapana zvayinoita.

“Mauto edu ari kuenda kuEurope kwete kunorwa muUkraine, asi kunodzivirira shamwari dzedu dziri muNato, ndokunge kana Putin afunga kuramba achienda kumadokera. Nechinangwa ichocho, taunganidza mauto eAmerica epasi, emuchadenga nengarava dzaiswa munzvimbo kudzivirira nyika dziri muNATO dzinosanganisira Poland, Romania, Latvia, Lithuania neEstonia,” vadaro VaBiden.

Vati sekujekesa kwavakaita, America nevainodyidzana navo vachadzivirira chidimbu choga choga chedunhu renyika dziri mugungano reNATO nehudzamu hwemubatanidzwa wesimba ravo.

Vazivisawo kuti vachabatana nevamwe vavo mukurambidza ndege dzekuRussia kupinda muchande meAmerica, izvo vanoti zvichaisa Russia kunze zvakanyanya, uye kusveta hupfumi hwenyika iyi zvakasimba.

Russia yakapinda zvechisimba muUkraine musi wa Kukadzi 24, umo iri kurwisa mizinda yemauto nezvombo zvinosanganisira zvemuchadenga.

Zviuru nezviuru zvevanhu zviri kutiza mu Ukraine zvichipotera munyika dzakapoteredza nyika iyi.

VaBiden vatorawo mukana uyu kutaura pamusoro pemamiriro akaita hupfumi hwenyika yavo vakati vakazvipira kurwisa kupera kwesimba remari yemunyika, kana kuti inflation.

Vati hurongwa hwavo hwehupfumi hwenyika hwakaunza mabasa matsva anodarika mamiriyoni matanhatu nechidimbu, kana kuti 6.5 million mugore rapera, mabasa avanoti akawanda agadzirwa mukati megore rimwechete kudarika zvisati zvamboitika munhoroondo yeAmerica.

“Hupfumi hwedu hwakakura nezvikamu zvishanu nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 5.7 % gore rapera, kukura kwakasimbisisa mumakore angada kusvika makumi mana, nhanho yekutanga kuunza shanduko inobatika kuhupfumi husati hwamboshandira vanhu venyika ino vanoshanda kwenguva ndefu,” vadaro VaBiden.

Panyaya yeCovid-19, VaBiden vati denda iri ranga richiomesera vanhu zvakanyanya, nekudaro mhuri dzakawanda dziri kurarama mukutambura kuti dziwane chekudya, uye kunetseka kuti dzifambidzane nekukwira kwemitengo yezvekudya, mafuta ekufambisadzimotokari, dzimba nezvimwe zvakadaro.

Vatenda budiriro yavakaita gore rapera, vachiti denda reCovid-19 harisi iro richiri kutungamira mberi muhpenyu hwevanhu. VaBiden vati vacharamba vachidzvirira hutachiwana uhwu sezvavanoita kune zvimwe zvirwere.

Vachipindura mashoko aVaBiden, vakamirira bato rinopikisa reRepublican Party, gavhuna vedunhu reIowa, Amai Kim Reynolds, vashoropodza mutungamiri wenyika nemabatiro avati avari kuita nyaya dzekunze kwenyika, kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation. Pamwe nemabatiro avakaita denda reCovid-19.

“Pachinzvimbo cheekuti vaendese America mberi, VaBiden nebato ravo vanoita sevari kutotidzosera kumashure,” vadaro Amai Reynolds.

Vachipawo maonero avo pamashoko aVaBiden aya, nyanzvi munyaya dzekudyidzana pasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, avo vanodzidzisa paDevry University ku Ohio, muAmerica, vanoti VaBiden vataura vakasimbirira chaizvo kubva pakutanga Russia kurwisa kwairi kuita Ukraine.

Nhengo yebato reCitizens Coalition for Change iri mudunhu reNorth America, VaTawanda Svosve Dzvokora, vanotiwo VaBiden vasimbisa kuti ivo nevamwe vavo vavanoshamwaridzana navo vachamira neUkraine.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, Va Regis Charumbira Vusango, vanoti mashoko aVaBiden mashoko emunhu ari kuda kungozvisimbisa asi achiziva zvake kuti muviri uchiri kudzimba.

VaVusango vanoti nyaya iri kuitika kuUkraine nekuRussia haidi kubatwa nenzira yairi kubatwa nayo navana VaBiden neAmerica nemadzisahwira avo, inoda kugarirwa pasi.

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTawanda Svosve Dzvokora.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Huukuro naVaRegis Charumbira Vusango
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG