Accessibility links

Breaking News

Vasori Vanonzi Vorambambidza Hama neCCC Kuchema Nhengo Yebato Iri Yakapondwa kuKwekwe


Nhengo dzeCCC dzakakuvara kuKwekwe

Vanofungidzirwa kuti vasori vanonzi vapinda zvine chisimba pamba pari kuchemerwa nhengo yecitizens coalition for change yakapondwa kuKwekwe nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF VaMboneni Ncube ndokudzinga dzimwe hama nenhengo dzebato iri vachiti ndivo vave kutungamira rufu urwu.

Hanzvadzi yemufi, Muzvare Judith Ncube vaudza Studio 7 kuti pane varume vauya nemotokari dzemhando yeIsuzu nhatu vakavhara gedhi repamaba apa ndokudzinga vanhu vose vachiti ndivo vave kutungamira hurongwa hwose hweparufu apa.

Hurukuro naMuzvare Judith Ncube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vakoti pachipatara cheKwekwe General Hospital vanotiwo pane vanhu vakauya nezuro kuchipatara vachida mutumbi wemufi vachiti vaishanda naye asi vakoti vakaramba kuti vatore mapepa ekuviga mufi.

Asi zvinonziwo vamwe vehama havana kufara nefiro yehama yavo zvekuti naivo vari kuti havasikuda vezvematingerwo enyika parufu urwu.

VaNcube vakafa nemusi wesvondo vanonzi vasiya mudzimai Muzvare Loyce Charuma. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru wevasori VaIsaac Moyo sezvo nhare yekuhofisi kwavo yange isiri kudairwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vakabatikane uye vange vasingakwanise kutaura. Mutumbi waVaMoyo unonzi uchiri wakamirira kuvhenekwa kana kuti postmortem kuchipatara cheKwekwe General Hospital.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG