Accessibility links

Breaking News

CCC Yopomera Zanu-PF Mhosva yeKuuraya Mutsigiri Wayo kuKwekwe paMusangano waVaChamisa


Nhengo dzeCCC dzakuvara kuKwekwe
Nhengo dzeCCC dzakuvara kuKwekwe

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munhu mumwe chete afa kuKwekwe mushure mekunge vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF varwisa vatsigiri veCCC.

Muzvare Mahere vanyora padandemutande ravo reFacebook kuti pane munhu afa uye vamwe gumi nevanomwe vakuvara zvakaipisisa mushure mekurwiswa nemakano, matemo nesimbi. Vashorawo zvikuru hurumende nekupesvedzera mhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi sezvo vange vasiri kudaira nherembozha yavo kana kupindura mubvunzo watavatumira.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kana mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vange vasiri kudairawo nharembozha dzavo

Mumwe wevakuvara ava uyo ange ari mumwe wevechidiki weCCC Nelson Chaima ati angozoona ave kutemwa nebhodhoro nevanhu vaange asingazivi kuti ndivanaani.VaChamisa vasati vataura munyori wezvekufambiswa kwemabasa mubato reCCC VaAmos Chibaya vange vati bato ravo range richiziva kuti kune vamwe vanhu vange vauya pamusangano uyu kuzoita zvemhirizhonga vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vasaita zvemhirizhonga.

Vamwe vanhu vakawanda vataura neStudio 7 vashora zvikuru mhirizhonga iyi vachiti vanhu vanofanirwa kuregerwa vachitsigira mapato avanoda pasina zvemhirizhonga. Hatina kukwanisa kunzwa kumapurisa panyaya iyi.

Mushure mekumbomiswa kwemusangano uyu nekuda kwemhirizhonga iyi, mapurisa anodzivirira mhirizhonga azombotenderera pange pachiitirwa musangano uyu kwechinguva chidiki.

VaChamisa vashora zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika vakati zvinogona kuita kuti vanhu vazopedzisira voisa mutemo mumaoko avo izvo zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Vati bato ravo harisati raparurwa zviri pamutemo asi vakaona zvakakodzera kuti vapinde musarudzo dzemaby election nekuti izvi ndizvo zvido zvevanhu.

VaChamisa vati havana kumboti vanoda kuendesa nyika kuvarungu sezvavari kupomerwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi kuti vakati bato ravo richakwezva vekunze vachasima mari munyika.

Vaenderera mberi vachiti musangano wavo une hurongwa hwakajeka hwekuti hupfumi hwenyika husimukire vakakurudzira vanhu kuti vavhotere bato ravo musarudzo dzema by elections dzichaitwa musi wa26 Kurume.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veCCC zvaunganawo kuSt Mary’s muHarare uko kwataurawo mutevedzeri wasachigario webato iri VaJob Sikhala. VaSikhala vanotiwo mangwanani anhasi pane vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vamboyedza kuda kupisa tendi yavo husiku pavanga vachida kuitira musangano.

Nezuro VaMnangagwa vakaitawo musangano muKwekwe mekare. Dunhu reMidlands rine maconstituency mashanu ari kuitwa sarudzo dzevamiriri veparamende.

Nyaya Ina Kudzanai Muesengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG