United Nations Security Council yadaidzira musangano wechimbi chimbi manheru ano mushure mekunge mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin vati mauto avo ezvombo zvenuclear agare akagadzirira.
Vanoona nezvematongerwo enyika vanoti izvi zvinogona kureva kuti hondo iyi inogona kunge yave kusvika pakaipisisa.
VaPutin vanoti vari kuita izvi sezvo nyika dziri mugungano reNorth Atlantic Treaty Organization kana kuti NATO dziri kuratidza kuti dziri kuda kukonzera kusagadzikana munyika mavo.VaPutin vatiwo havasi kufara nezvirango zvakaomarara zvavari kutemerwa neAmerica nedzimwe nyika.
Mutauriri wemuzinda weWhite House muAmerica Amai Jen Psaki mumashoko kunhepfenuro yeABC News muAmerica vati zviri kutaurwa naVaPutin kuda kusvokosva dzimwe nyika nekuda kukonzera kusagadzikana.
Mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Linda Thomas Greenfield vaudza nhepfenyuro yeMSNBC kuti vachashandisa nzira dzose dzakakodzera kufumura VaPutin nenyaya yavo yekuda kupesvedzera hondo.
Facebook Forum