Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF, VaMnangagwa, Vokurudzira Vanhu Kuvhotera Bato Ravo


Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vanhu kuti vavhotere bato ravo reZanu PF vachiti ndiro bato rine hurongwa hwakajeka hwekuti nyika ibudirire.

Vatiwo kunyange hazvo kupararira kwechirwere cheCovid-19 hkwave kuderera, vanhu vanofanirwa kuramba vachiita zvose kuti vazvidzivirire.

Vachitaura nhasi muguta reKwekwe pamusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dzichaitwa musi wa 26 Kurume, VaMnangagwa vadzokorodza mashoko avari kugara vachitaura mazuvano ekuti nyika inofanirwa kuvakwa nevaridzi vayo.

Vati kusvika pari zvino hurumende yavo yaita zvirongwa zvakasiyana siyana zvinosimudzira hupfumi hwenyika , vakakurudzira veruzhinji kuti vavhotere bato ravo reZanu PF.

VaMnangagwa vashora mapato anopikisa, kunyanya rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa reCitizens’ Coalition for Change, iro vati rinoda kuita zvemhirizhonga uye kudzorera nyika kuhutongi hwevapambepfumi.

Vati zvisineyi nekwavati kukurudzira mhirizhonga kunoitwa naVaChamisa, ivo nebato ravo reZanu PF vanoda runyararo.

Panyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika VaMnangagwa vati hurumende yavo inoda kuve nehukama hwakanaka nenyika dzose, vakati kubviswa kwakaitwa zvirango zvange zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru vehurumende nemamwe makambani ehurumende nenyika dzeEuropean Union, kunoratidza kuti chinangwa chehurumende yavo chekuvaka kudyidzana kwanaka nenyika dzepasi rose chiri kushanda.

Vatiwo hurongwa hwehurumende yavo hwekumutsiridza kambani yehurumende yeZiscosteel hwasvika pachinhano chakakura.

Pave nenguva yakareba hurumende yeZanu PF ichitaura nezvekumutsiridza kambani iyi, iyo yaive kambani huru yaigadzira simbi kuchamhembe kweAfrica.

VaMnangagwa vapeta mashoko avo nekukurudzira veruzhinji munyika kuti varambe vachitora matanho akasimba kuzvidzivirira kupararira kwedenda reCovid 19.

VaChamisa vanotarisirwa kuitawo musangano wekutsvaga rutsigiro muguta reKwekwe mangwana.

Dunhu reMidlands rine matunhu maduku mashanu achaitwa sarudzo dzevamiriri veparamende kusanganisira Kwekwe Central neMbizo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG