Accessibility links

Breaking News

Sports and Recreation Commission Yoramba Kutambira Kurudziro yeFIFA


FIFA yakamisa zvikwata zvenhaubvu zvemuZimbabwe zvese kutamba mitambo iri pasi payo kana CAF.
FIFA yakamisa zvikwata zvenhaubvu zvemuZimbabwe zvese kutamba mitambo iri pasi payo kana CAF.

Sports and Recreation Commission yaramba kutambira zvisungo zveFIFA zvainoti zvinofanirwa kuti zviitwe kuti Zimbabwe idzorwe munhabvu yepasi rese panguva iyo veruzhinji vatambira kudzingwa neFIFA uku nemaonero akasiyanasiyana.

Tsamba yabva kuSport and Recreation Commission kuvatori venhau inoti sangano iri harisi kudzora bhodhi reZiFA rayakadzinga basa sezviri kudiwa neFIFA kuti Zimbabwe idzorwe munhabvu yepasi rese.

SRC inoti haisi zvekare kuzobvisa kumatare nyaya yaVaFelton Kamambo nevamwe vavo nekuti vari kutongwa nemitemo yemuZimbabwe kwete yeFIFA.

FIFA nezuro yakadzinga Zimbabwe munhabvu yepasi rese ichiti Zimbabwe inodzoka chete kana SRC yadzora bhodhi raVaKamambo uyezve yabvisa kumatare mhosva iri kupomera VaKamambo yekushandisa zita reZIFA panguva iyo vaive vakamiswa basa.

Asi sachigaro weSRC VaGerald Mhlotswa mutsamba yavo vanoti havasi kutevedzera kana kuteerera zvese izvi nekuti mitemo yeFIFA haitonge mitemo yemuZimbabwe.

ZIFA yakamiswa pamwe chete nezvikwata zvese zvenyika yeZimbabwe mukukwikwidzana neve kune dzimwe nyika.

Vatambi, varairidzi, vabati vepembe pamwe nevese vane chekuita nenhabvu muZimbabwe havasisina mukana wechekuita nenhabvu inotungamirwa neFIFA kana CAF.

Pamusoro pezvo, FIFA haichapa Zimbabwe mari yerubatsiro sezvaiitika mazuva apfuura.

Mhuri yenhabvu yatambira zvaitwa neFIFA izvi nemaonero pamwe nemafungiro akasiyana-siyana, vaimbove munyori mukuru weCaps United VaWellington Chando vachiti SRC neZIFA dzakanganisa zvikuru pakusvika kudzingisa nyika munhabvu yepasi rese.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Football Stakeholders Association VaFrancis Zimunya vanoti Zimbabwe hapana chayarasikirwa nacho nekudzingwa muFIFA uku.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaNazzy Moyo vanotiwo kudzingwa uku kwatambidza Zimbabwe nguva yekugadzirisa nhabvu yayo kwete kuisa zvigamba asi kuvaka imba yenhabvu patswa.

Muteveri wenhabvu VaBrian Manyati vanoti vari kurwadzika zvikuru kuti vatambi nevarairidzi varasikirwa nemukana mukuru nemhaka yekuomesa musoro kweSRC.

VaManyati vanoti veruzhinji havafanire kuchema neFIFA nekuti yakaedza nepese payaigona kuti nyaya iyi isasvike payava iko zvino asi Zimbabwe yakatadza yega kuzvigadzirisa.

Asi nhabvu yemunyika iri kuenderera mberi kunyange hazvo Zimbabwe yadzingwa neFIFA.

Premier Soccer League yaronga mitambo minomwe mukupera kwesvondo kusanganisira uyo uri muNational Sports Stadium nesvondo pakati peChicken Inn neDynamos.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi…Mugovera , ZPC :Platinum - Nyamhunga, Bulawayo Chiefs vs Tenax - Luveve, Harare City vs Cranbourne-NSS, Black Rhinos vs Triangle- Sakubva, Yadah vs Ngezi Platinum - Baobab. Nemusi weSvondo kune mitambo inoti Manica Diamonds vs Caps United -Sakubva, Hwahwa vs Herentals - Ascot, Bulawayo City vs Highlanders -Barbourfields.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG