Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuNyamakate Voparadzirwa Zvipfuyo, Zvirimwa neMhuka dzeSango


Mhuka dzakaita seshumba nembada dzinonzi dziri kupedza zvipfuyo kuNyamakate kuHurungwe

Vamwe vagari vekuNyamakate, kuHurungwe mudunhu reMashonaland West vari kudyirwa zvirimwa zvavo nekuurayirwa zvipfuwo zvavo nemhuka dzemusango.

Vagari ava vanogara munzvimbo iri pamuganhu nenzvimbo inogara mhuka dzesango pedyo neKariba vanoti gore rino hapana chavanokohwa sezvo zvirimwa zvavo zvakaita sechibage nebhinzi zviri kudyiwa nemhofu nenguruve dzemusango.

Mumwe mugari wemubhuku raHotera, Amai Fiona Nyoni vanoti mhuka dzakaita semhofu nenguruve dziri kuuya nguva dzemanheru dzichidya bhinzi nechibage zvekuti vakawanda vakapedzerwa zvirimwa zvavo.

Amai Nyoni vanoti hapana chakanakira mugari wemubhuku ravo sezvo zvipfuwo zvavo zviri kudyiwawo nembada neshumba sezvo pasina waya pamuganhu apa.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari Amai Tambudzai Makoni avo vakadyirwa bhinzi dzavo dzose nemhofu masvondo maviri apfuura.

Amai Makoni vanoti vanhu vakuru pamwe nevana vanenge vachifudza mombe vanorohwa nevashandi vekambani yeInternational Anti-Poaching Foundation-IAPF-kana zvipfuwo zvavo zvikaenda kudivi remhuka, danho ravanoshoropodza zvikuru vachiti zvino dzikisira hunhu hwavo.

Amai Nyoni vanoti chinonyanya kuvarwadzawo ndechekuti vanochengetedza mhuka ava havaripe kana vadyirwa zvipfuwo nezvirimwa zvavo nemhuka.

Amai Nyoni vanoti vanochengeta mhuka ava vanoripa chete kana chipfuwo chaurayirwa mudanga.

Vagari ava vanoti vakamboedza kushandisa nzira dzepasichigare dzekudzinga mhuka dzekumuka mambakwedza nguva dzinodyiwa muminda yavo vachiita ruzha nekurova midziyo zvine ruzha sezvo mhuka dzisingade ruzha asi hazvisi kushanda.

Mukuru weIAPF kuNyamakate VaIan Dupreez vanoti chibvumirano chavo nekambani yeIAPF hachivabvumire kutaura nevatori venhau vachiti titaure nevakuru vekambani iyi vanogara kunze kwenyika.

Sabhuku wenzvimbo iyi VaAgripa Chiwara vanoti vaneta nekuvimbiswa neveZimparks pamwe nekambani yeIAPF kuti vachaisa fenzi asi pasina zvavari kuita.

VaChiwara vanoti vave kutotsvaga ruyamuro kune mamwe makambani nevanhu vangavaisire waya pamuganhu uyu.

Patabvunzawo hukama hwekambani iyi nebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka munyika reZimparks uye nekuti sei pasati paiswa fenzi pamuganhu wekunogara vanhu nekwemhuka vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mu Zimparks VaTinashe Farawo vavimbisa kutipa mhinduro asi vanga vasati vatipindura pataenda pamhepo.

Mukuru weCentre for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu vanoti nyaya yekuurayiwa kwevanhu, uye kudyirwa zvipfuwo nezvirimwa nemhuka yatekeshera nyika yose.

VaMaguwu vanoti zviri kunyanya kukonzerwa nemitemo yekare inokoshesa mhuka kudarika vanhu vachiti hurumende inowana mari yakawanda kubva kumakambani ekunze aya.

Vagari vemavhireji eHotera neAlpha ari pedyo nemuganhu nenzvimbo inogara mhuka vanoti vanorasikirwa nezvipfuwo zvakaita semombe dzinodarika makumi matatu nembudzi dzinodarika zana pagore zvekuti vakawanda vavo havachachengete mbudzi.

Dzimwe nguva vanhu vanorasikirwawo nehupenyu vadyiwa neShumba.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG