Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chishanu Kukadzi 25, 2022


Shona Headlines

Mutungamiri wenyika VaEmmwerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vanopinda musangano wetatu wekudyidzana kwenyika mbiri idzi weZimbabwe-Botswana Bi-National Commission, VaMasisi vachiti vanhu venyika yavo vanorwadziwa pamwechete nevana veZimbabwe nekuda kwekusagadzikana kwehupfumi muZimbabwe.

Studio 7 inoenderera mberi nekutarisa zviri kuitika muUkraine uko mauto eRussia ari kurwisa nyika iyi, zvaita kuti vanhu vakawanda kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine vasiye misha yavo.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC , inotara musi wa 07 Chivabvu sezuva richaitwa sarudzo dzemakanzuru kwaMutare neRusape, uye musi wa 16 Kurume riri zuva richagara dare renomination Court.

Mamwe makambani enharembozha anokwidza mitengo yekushandisa masaisai nezvikamu zvinodarika zana kubva muzana, danho riri kushoropodzwa zvikuru nevanoshandisa nharembozha avo vanoti havakwanise kubhadhara miripo iyi nekuda kwemamiriro ezvehupfumi hwagwadama.

Vagari vekuNyamakate kuHurungwe vakaganhurana nenzvimbo inochengeterwa mhuka vochemachema nekudyirwa kwavari kuita zvipfuyo zvavo pamwe nezvirimwa zvavo nemhuka dzesango.

Vateveri venhabvu vopa maonero akasiyanasiyana danho re FIFA rekumbomisa zvikwata zvenhabvu zveZimbabwe kukwikwidza mumitambo yenhabvu yepasi rose.

Bazi rezvehutano rinozivisa kuti vanhu vaviri vakafa nezuro neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi manomwe nevasere (378) vakawanikwa vaine denda iri, makumi mapfumbamwe nevatanhatu vavo (96) vari vana vechikoro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm, nhasi tiri kurarisa mamiriro akaita zvinhu muUkraine iyo iri kurwiswa neRussia. Munyika iyi mune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG