Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro Mazana Matatanhatu neMakumi Mashanu neVasere (658) Vobatwa neChirwere cheCovid-19 Kubva Zvavhurwa Zvikoro


Vana vechikoro
Vana vechikoro

Vana vechikoro mazana matanhatu nemakumi mashanu nevasere vabatwa nechirwere cheCovid-19 mumazuva mapfumbamwe adarika chete.

Nemusi weChitatu pavanhu pavanhu mazana matanhatu nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi, zana nemakumi manomwe nevashanu vacho vana vechikoro. Izvi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vavezviuru mazana maviri zvine makumi matatu nemana nemazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 234 589.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa zvichireva kuti vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira muna 2020 vachiri zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi masere nevasere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG