Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi, 24. 2022.


Shona Headlines
Shona Headlines

Russia yotumira mauto kunopamba Ukraine zvokonzera kusagadzikana kwenyika dzepasi rino uye kuisa munjodzi vanhu vakawanda kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine izvi zvokurudzirwa kufonera muzinda weZimbabwe kuGermany kana zvichida rubatsiro.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vopa maonero avo pahondo yave muUkraine zvichitevera kupinda nechisimba kweRussia munyika iyi, uye kuti hondo iyi inobatawo Zimbabwe nenzira dzipi.

Chizvarwa cheAmerica chakabatwa nemhosva yekupinda munyika nepfuti zvisiri pamutemo panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International airport muHarare VaRonald Leon Johnson votarisirwa kupihwa mutongo wavo nhasi.

Vana vechikoro mazana matanhatu nemakumi mashanu nevasere vabatwa nechirwere cheCovid-19 mukati memazuva mapfumbamwe adarika.

Muchirongwa chatinotarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo kana kuti Women’s Round Table na8 pm, tiri kurarisa mamiriro akaita zvinhu muUkraine iyo iri kurwiswa neRussia. Munyika iyi mune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG