Accessibility links

Breaking News

Ko Chii Chiri Kupa Kuti veChidiki Vasanyorese Kuvhota?


Les fonctionnaires de la Commission électorale du Zimbabwe (ZEC) distribuent les votes par correspondance pour les différentes circonscriptions de Bulawayo dans les bureaux de la ZEC, au Zimbabwe, le 28 juillet 2018.
Les fonctionnaires de la Commission électorale du Zimbabwe (ZEC) distribuent les votes par correspondance pour les différentes circonscriptions de Bulawayo dans les bureaux de la ZEC, au Zimbabwe, le 28 juillet 2018.

Poita maonero akasiyana pazvikonzero zvingave zviri kuita kuti vechidiki kunyanya vatadze kunyoresa kuti vakwanise kuvhota. Vechidiki vabva zera vakawanda munyika, avo vane kodzero yekunyoresa kuvhota, vari kutadza kuita izvi vamwe vachiti izvi zviri kukonzerwa nekuti vechidiki ava havana hanya nekuvhota, vamwewo vachiti kutadza kwavo kunyoresa hakuzi kuda kwavo.

Mumwe wechidiki uyo akangoda kuzvidoma nezita rekuti Tafadzwa, anoti chimwe chezviri kuvhiringa vechidiki inyaya yekuti vanosangana nezvimhingamupinyi zvakawanda pakuedza kutora zvitupa kuti vagokwanisa kunyoresa kuvhota. Anotiwo vamwe vechidiki vanoona kuvhota kusina zvakunochinja munyaya dzezvematongerwo enyika.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaMusa Kika vanoti zvakakosha kuti vechidiki kunyanya, vazive kukosha kwekuvhota.

Asi vanotsinhirawo nyaya yekuti vakawanda vavo vanoodzwa moyo nenyaya yekunetseka pakutora zvitupa, vachibvumiranazve nemaonero ekuti kusave nechivimbo kune veruzhinji mumashandiro anoita boka reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, kunoitawo kuti vamwe vechidiki vashaye hanya.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehofisi yaRegistrar General pamusoro pezvimhingamupinyi zvinonzi zviri kusanganikwa nazvo nevakawanda pakutora zvitupa. Asi gurukota rezvemukati menyika VaKzembe Kazembe vakambozivisa vatori venhau kuti hurumende ine hurongwa hwekuwanisa vanhu mamiriyoni maviri zvitupa kusvika muna Gunyana sezvo nyika yatarisana nesarudzo gore rinouya.

Pamusangano wavakaita nevatapi venhau muHarare svondo rapera veboka reZEC vakati hazvishamise kuti vechidiki havasati vave kunyoresa nehuwandu hunotarisirwa vachiti izvi ndizvo zvinowanzoitika pakutanga kwechirongwa chekunyoresa vavhoti.

Asi Muzvare Falon Dunga munyori mukuru musangano reproject Vote 2023 vanoti ZEC haisi kuita zvakakwana kudzidzisa vechidiki nezvekukosha kwenyaya dzekuvhota.

Murongi wemabasa musangano reElection Resource Centre VaSolomon Bobosibunu vanoti kunze kwedambudziko rekunetseka kuwana magwaro, kushaikwa kweruzivo rwakakwana pamusoro pekunyoresa kuvhota nderimwe dambudziko.

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, kana kuti CCC, mudunhu reBulawayo VaSwithern Chiroodza vanoti vanopokana nemaonero ekuti vechidiki havana hanya nekunyoresa kuvhota, vachitiwo dambudziko guru nderekuti vanonetseka pakuwana zvitupa.

VaChiroodza vaudza Studio 7 kuti bato ravo riri kushanda zvakasimba munzvimbo dzakasiyana siyana kukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.

Mukuru weboka revechidiki mubato reZanu PF VaFreedom Murechu vakaudza Studio 7 munguva pfupi yapfuura kuti zvakakosha kuti vechidiki kunyanya vari mumatunhu eMatabeleland, umo munonzi ndimo mune vanhu vashoma vari kunyoresa kuvhota, vanyorese kuitira kuti maconstituency ari mudunhu iri asazove mashoma. Vakatiwo bato ravo riri kuita zvose zvarinogona kuti rikurudzire vechidiki kuti vakwanise kuvhota.

Nyika yakatarisana nesarudzo dzema by election dzichaitwa mune dzimwe nzvimbo mwedzi unouya, uye munyika mose muchaitwa sarudzo dzeharmonised election gore rinouya.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG