Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voudza Hurumende Kuti Kuvatyisidzira Hakuna Zvakunobatsira


Zimbabwe Sets Aside US$1 Million For Poor Students' Examination Fees
Zimbabwe Sets Aside US$1 Million For Poor Students' Examination Fees

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti haasi kufara nedanho rehurumende rekumanikidza vadzidzisi kuti vadzokere kumabasa mukupera kwemusi weChipiri pasina nhaurirano dzekugadzirisa nhuna dzavo. Vadzidzisi ava vanoti vave kuzodzidizisa vana kamwechete pasvondo nekuti havana zvikwanisiro zvacho zvekuti vaite basa vakasununguka.

Masangano evararidzi akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) anoti haasi kufara nedanho rehurumende rekuti vakuru vezvikoro nevarairidzi avo vari kuti havasi kukwanisa kunge vari vari pabasa nekuti havana zvikwanisiro vange vadzokera pabasa muzuva ranhasi.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vati chinodikanwa inhaurirano pakati pemasangano evarairidzi nehurumende dzakanangana nekugadzirisa nhuna dzavainadzo kwete kuvambunyikidza kuti vadzokere kumabasa ivo vakawomerwa nehupenyu.

VaZhou vati bazi rePublic Service Commission ratumira nhume muzvikoro nhasi kunoongorora kuti ndevapi vadzidzisi vaenda kubasa nevasina. Vati vatora danho rekuti vadzidzisi vashande zuva rimwe chete pasvondo sezvo mari dzavari kutambiriswa nehurumende dzisiri kuvakwanira kuti vaende kubasa mazuva ose.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vakuru vezvikoro reZimabwe National Union of School Heads, VaMunyaradzi Majoni, vati (waiting for audio, may diss it if the audio comes late)

Zvichakadai, mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vati vakatokwidza nyaya ili kumatare vachiti zviri kuda kuitwa nehurumende zvekudzinga varairidzi basa nekuti havana zvikwanisiro hazvisi pamurawu.

Vatiwo havasi kufara kuti vamwe varairidzi varamwa kumaka mazamanishoni ema Form 4 neForm 6 mushure mekunge Zimsec yatadza kuvabhadhara mari dzema allowance.

Tsvagiridzo yataita yaburitsa pachena kuti varairidzi vari kumaka mazamanishoni kuBulawayo, Gweru neMutare varamba kuenderera mberi nekumaka kudzamara vapihwa mari dzavakavimbiswa nesangano rinoona nezvekunyorwa kwebvunzo reZimbabwe Schools Examinations Council, ZIMSEC.

Vamwe vevari kumaka mazamanishoni aya avo vasina kuda kubuda pamhepo vati Zimsec yakange yavavambisa kuti ichavabhadhara svondo rapera asi vaona zvakakodzera kuti vachirega kupedzisa kumaka bvunzo idzi sezvo vachiti veZimsec vari kungoramba vachiti pamunhondo pamusasa.

Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicky Dlamini, pamwe nemutauriri webazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira. pataenda pamhepo.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakati varairidzi vanenge vasina kuenda kubasa havasi kuzobhadharwa.

Varairidzi vazhinji vanoti vari kuda kuti hurumende idzosere mari yavaitambira muna 2018 pamadhora mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica pamwedzi asi hurumende inoti homwe yayo yakabooka.

Varairidzi vazhinji vanoti vari kuda kuti hurumende idzosere mari yavaitambira muna 2018 pamadhora mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica pamwedzi asi hurumende inoti homwe yayo yakabooka.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG