Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotambira Kubviswa kwaVaChiwenga naAmai Mugabe Pazvirango


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nemukuru wemauto VaValerio Sibanda vose vabviswa pazvirango
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nemukuru wemauto VaValerio Sibanda vose vabviswa pazvirango

Hurumende yeZimbabwe inoti inotambira nemufaro danho reEuropean Union rekubvisa mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, Amai Grace Mugabe nemukuru wemauto VaValaerio Sibanda pane vange vakatemerwa zvirango negungano iri vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi mumashoko kuvatori venhau, EU yati Zimbabwe Defense Industries icharamba iri pazvirango sezvo mauto ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Kunyangwe paine vabviswa ava, EU yati hapana chachinja muZimbabwe uye icharamba takaisa ziso rayo munyika ichikurudzira nhaurirano kupedza matambudzuko akatarisana nenyika.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vati vafara nedanho reEU vachiti vanovimba kuti America neBritain dzichaitawo zvimwe chetezvo. Asi vakurudzirawo kuti zvirango zvasara zviri paZDI zvibviswe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira Media Centre, VaEarnest Mudzengi vanoti panyaya dzezvirango, Zimbabwe iri kuhwanda nemunwe sezvo chakanganisa hupfumi iri nyaya yekutadza kutungamira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG