Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi, 22, 2022   


Shona Headlines
Shona Headlines

European Union yobvisa mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, Amai Grace Mugabe nemukuru wemauto VaValaerio Sibanda pane vakatemerwa zvirango asi ichiti Zimbabwe Defense Industries icharamba iri pazvirango sezvo mauto ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Kunetsana pakati pehurumende nevashandi vehurumende kwoenderera mberi vamwe vachikurudzira nhaurirano kwete kushandisa chisimba kunonzi kwoitwa nehurumende.

Sangano rinomirira mabhizimisi ekuChina ari muZimbabwe, reChamber of Chinese Enterprises in Zimbabwe, rinoti nhengo dzedzaro dzinofanira kuita basa radzo zvine hunhu uye dzinofanira kutevedza mitemo yese yeZimbabwe.

America neBritain dzotarisirwa kuwedzera zvirango zvakatemerwa Russia nhasi zvichitevera danho remutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, rekucherechedza matunhu akatorwa neRussia eDonetsk neLuhansk ari kumabvazuva kweUkraine sematunhu akazvimirira

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na 8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yeZuva revechidiki kana kuti National Youth Day tichitarisa dingindira regore rino rakanangana nekukurudzira vechidiki kuti vasashandise zvinodhaka.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG