Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inoita Mangange neFC Platinum


Dynamos
Dynamos

Chikwata cheDynamos chawana mugowe uri nani apo chaunganidza chaunga chacho munhandare yeMandava kuZvishavane.

Vamwe vevateveri vechikwata ichi vakatungamira nerimwe bhazi nezuro Manheru kubva kuHarare, vamwe vacho ndokuzotevera nerimwe bhazi rungwanani rwanhasi kuenda kuZvishavane uko vari kudzoka vakabata poindi imwechete.

Dembare yaita mangange 0-0 neFC Platinum mumutambo waunganidza vatsigiri zviuru zvishanu avo chete vanotenderwa nemutemo kuona mitambo yakadai nechikonzero chekudzivirira kupararira kweCovid 19.

Zvikwata zviviri izvi zvapinda mumapoinzi manomwe uyezve pachinhanho chechipiri zvakaenzana neNgezi Platinum Stars iyo iri kutamba neCaps United neMuvhuro.

Asi rwendo rwe Dynamos ne FC Platinum rwemukombe rwuchiripo sezvo kuchiri nemitambo makumi matatu nemiviri kuti mukombe uyu uwane anotora.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu VaTinashe Museti vanoti mukombe hausi kuenda kuDynamos kana kuFC Platinum asi kuNgezi Platinum Stars iyo ine murairidzi mutsva Takesure Chiragwi.

Asi Chicken Inn ndiyo yapinda pamusoro petafura nezvibodzwa mushure nekurova Bulawayo Chiefs 2-1 muLuveve Stadium.

Ma"Game Cocks" aenzana neManica Diamonds pamapoinzi mapfumbamwe asi Chicken Inn yaenda pamusoro nekukanda zvibodzwa zvakawandisa.

Asi Manica Diamonds inokwanisa kudzokera pamusoro pegungano iri kana ikarova Herentals muNational Sports Stadium neSvondo.

Mumutambo mumwe watambwa nhasi, Yadah neBlack Rhinos dzaitawo mangange 0-0 muBaobab Stadium kuMhondoro-Ngezi.

Makundano enhabvu aya akadzoka mushure mekumbomiswa kwemakore maviri kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Mimwe mitambo iriko mangwana nemumwe neMuvhuro apo Caps United iri kusangana neNgezi Platinum Stars.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG