Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi Vovhiringirwa Zvirimwa Zvavo neMakonye eRudzi rweArmy Worm


Vamwe varimi vanonzi vari kusangana nedambudziko remakonye erudzi rweArmy Worm ayo ari kudya zvirimwa zvavo, zvikuru chibage.
Vamwe varimi vanonzi vari kusangana nedambudziko remakonye erudzi rweArmy Worm ayo ari kudya zvirimwa zvavo, zvikuru chibage.

Vamwe varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vari kuchema chema zvikuru zvichitevera kuparadzwa kuri kuitwqa zvirimwa zvavo nemakonye izvo zvichavhiringa goho ravo mwaka uno.

Varimi ava vanoti vave kutyira kuti goho ravo richadzikira zvakanyanya sezvo mushonga wekuuraya makonye ari kudya chibage chavo erudzi rweArmy Worm, uri kuvadhurira.

Mumwe murimi anorima kuEast Range kuMakonde, VaOnias Chafausipo, avo vanga vachitenga mushonga weMarc10 unouraya mhando dzemakonye ose vanoti goho ravo richadzikira nekuda kwemakonye.

VaChafesuka vanoti makonye e army worm ariko anodya ari mukati mechibage zvinoita kuti asawonekwe nekukurumidza.

Izvi zvatsigirwa nemumwe murimi wekwaZvimba, VaJohane Mapfeka, vanoti makonye akanyanya kuwanda nguva ino yekupisa.

Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti vamwe varimi vakawanda kubva kumapurovhinzi eMasvingo, Mashonaland Central, Mashonaland East neMidlands vari kuchemachemawo nemakonye emuchibage.

Amai Jiti vanoti gonye rechibage rashungurudza varimi zvikuru vachiti rinowanda kana kunze kuchipisa uye rinouraya moyo wechibage kana kupinda mumuguri uchiri mudiki.

Mukuru mubazi rezvekurima mudunhu reMashonaland West, Amai Siyaneta Makaza, vanoti makonye ari kuwanikwa munzvimba shoma dzinoti Hurungwe, Makonde, Sanyati neZvimba asi haasati anyanyisa kuwanda sezviri kutyirwa.

Amai Makaza vanokurudzira varimi kuti vatarisise makonye muminda uye kufirita asati awanda.

Amai Makaza vakurudzirawo varimi kubvisa sora muminda senzira yekuderedza makonye muminda.

Amai Jiti vanoti varimi vanofanirwa kubhadhara mainishuwarenzi kuti vazobhadharwa kana varasikirwa nezvirimwa zvavo nekuda kwematambudziko akasiyana anosanganisira kudyirwa zvirimwa nemakonye.

Izvi zvatsigirwa nemukuru webazi rinoona nezvemakambani emainishuwarenzi reInsurance and Pension Commission, IPEC, VaLloyd Gumbo, avo vanoti varimi vanofanirwa kutora mainishuwarenzi kuti vazobhadharwa kana vaita matambudziko anoshayisa goho mukurima.

VaGumbo vanoti pane varimi vashoma vane mainishuwarenzi nekuda kwekusa shambadzirwa kwakakwana kwemainishuwarenzi munyaya dzekurima, ruzivo rwushona rwevarimi maererano nemashandiro emainishuwarenzi ezvekurima pamwe nekusavimbika kwemakambani anopa inishuwarenzi kuzobhadhara varimi kana vawirwa nematambudziko anovashaisa goho.

VaGumbo vanoti bazi reZimbabwe Partner to Develop Agriculture Insurance rakabatana nebazi re International Finance Corporation-IFC-riri pasi pebhanga guru repasi rose reWorld Bank mukuedza kuita inishuwarenzi yekuti varimi vekumaruwa vapihwe mari kana zvirimwa zvavo zvatadza kusvika nekuda kwenjodzi ine chekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Amai Jiti vanoti chimwe chakaita kuti varimi vasave nechivimbo nemainishuwarenzi ndechekuti pakatanga kurima vanhu vakawanda pakaitawo makambani emainishuwarenzi akanyuka asi akazotadza kubatsira varimi mari dzavainge vakavimbisa.

Chirongwa cheIPEC chiri kutsigirwa neIFC muZimbabwe ndechekutanga munyika, uye chiri kubudirira munyika dzachiri kushandiswa dzakaita seCameroon, Mozambique, Nigeria, Senegal, Zambia, Ivory Coast nedzimwe nyika dzemuAfrica.

Asi varimi vakawanda vekumaruwa havana ruzivo rwakawanda rwechirongwa cheIFC-IPEC.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG