Accessibility links

Breaking News

Mutewedzeri weMutungamiri weZanu PF, VaMohadi, Vokurudzira Vanhu Kunyoresa Kuvhota


Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato reZanu PF, VaKembo Mohadi, vanoti
zvakakosha kuti veruzhinji vanyorese kuvhota kuitira kuti vagokwanisa kuvhotera vatungamiri vavanoda pazvigaro zvakasiyana siyana.

Vachitaura muBulawayo nhasi masikati pamusangano wekutsvaga rutsigiro musarudzo dzema by-election dziri kuitwa muna Kurume, VaMohadi vati vafara zvikuru kuti vatsigiri
vebato ravo reZanu PF vaungana nehuwandu hwavo pamusangano uyu.

Asi VaMohadi vati hazvibatsiri kuti vanhu vangouya kumisangano yakadai
vasina kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota. Vati zvakakosha kuti vanhu vavhote kuti vagokwanisa kusarudza vatungamiri vavanoda kuti vapinde pazvigaro zvakasiyana siyana zvekumiririra vanhu.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reBulawayo, VaJabulani Sibanda, vati
migwagwa yemuguta reBulawayo yaparara uye maindasitiri akawanda
haachashandi vakati bato ravo rine hurongwa hwakajeka hwekumutsiridza
hupfumi hwenyika. Vakurudzirawo vatsigiri vebato ravo kuti vanyorese kuti
vagokwanisa kuvhota.

VaFreedom Murechu, vanove sachigaro wevechidiki mudunhu reBulawayo
vaudza Studio 7 kuti vari kukurudzira vechidiki kunyanya kuti
vanyorese kuvhota nekuti kusanyoresa kwavo kunogona kuita kuti matunhu
eMatabeleland azove nevamiriri vashoma.

VaBlessing Chebundo, avo vakave nhengo yeZanu PF mushure mekuve mumwe
wevanhu vakavamba bato reMDC, vati pane vamwe vanhu vakawanda vanovati
mutengesi asi vati ivo vanopokana nazvo.

Vati vakayambuka kuenda kubato reZanu PF nekuti vakaona kuti bato iri
rave negwara rakanaka rekuti nyika ibudirire.

Dunhu reBulawayo rine matunhu maduku maviri kana kuti constituency achaitwa sarudzo dzeparamende anoti Nkulumane nePumula South uye mawadhi ekanzuru maviri.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG