Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China 17 Kukadzi 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zvinhu zviri kuramba zvakaita manyama amire nerongo muzvikoro varairidzi vachipika kuti havazi kuzodzokera kubasa zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa kunyange hazvo komisheni inopinza basa vashandi vehurumende yePublic Service Commission, yatanga kunyoresa vanhu vakapedza zvidzidzo zvehurairidzi kuti ivapinze basa svondo rinouya apo ichadzinga varairidzi vese vari kuramwa mabasa.

Mutevedzeri wameya weguta reMutare kanzura Farai Bhiza veMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora vanofenda mushure mekuruza sarudzo yameya weguta iri iyo yahwinwa nakanzura Simon Chabuka vebato reCitizens Coalition for Change.

Kanzuru yeHarare inozivisa kuti yave kutevera zvikwereti zvayo zviri muvagari kuburikidza nemasamanisi, asi sangano rinomirira vagari, reHarare Residents Trust, rinoti hazvisi pamutemo kuti kanzuru itange nekutumira masamanisi isati yagara pasi nevagari vane zvikwereti.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vaudza Studio 7 kuti iri danho ratorwa maringe nekuona kuti zvikwereti zviri kukurisa vanhu vasingabhadhare, saka vaona kuti zvakaringana kuti vanhu vapiwe masamanisi kuti vange vachibhadhara mari dzinodiwa kukanzuru.

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuri zvishanu nemazana matatu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, kana kuti 5 379.

Muchirongwa cheLiveTalk Women’s Round Table na 8pm nhasi tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muzvikoro uye kuenderera mberi nehurukuro nemadzimai ari kukwikwidza musarudzo dzema by-election dzichaitwa muna Kurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG