Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China , Kukadzi, 16, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kupinda musangano wechitanhatu weEuropean Union-Africa Union Summit, kutanga mangwana uye hurumende inoti vachashandisa musangano uyu kuvandudza chirongwa chavo chekudyidzana nedzimwe nyika. Asi nyanzvi dzinoti VaMnangagwa vanofanira kuita sarudzo dzakachena nekuona kuti munyika mave nehutongi hwejekerere kana vachida kugadzirisa hukama nenyika dzese pasi rese.
MDC.T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora yodzinga basa meya weguta reMutare.
Zimbabwe yopinda mumusangano wevakaremera uri kukokerwa neUnited Nations.
Chizvarwa che Zimbabwe chiri muSouth Africa, VaNoah Chiunda, avo vakakuwadza zvakaipa mwedzi wapera mushure mekukandirwa mumotokari yavaityaira bhambu repeturu nevanofungidzirwa kuti zvizvarwa zvenyika iyi zviri kunyunyuta kuti zviri kutorerwa mabasa nevekunze,vakabuda muchipatara nemusi weMuvhuro uye vanoti vave kunzwa zviri nani kunyange hazvo vasati vanyatsopora.
Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na 8pm nhasi tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa uye kuvhurwa kwemabhodha.
Mutungamiri weZIFA akamiswa basa neSports and Recreation Commission VaFelton Kamambo
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG