Accessibility links

Breaking News

ZIMRIGHTS Yobatsira Vanhu neZvekufambisa Pavanononyoresa Kuvhota


Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZIMRIGHTS rakaparura chirongwa chekubatsira vanhu vanenge vachida kunonyoresa kuvhota sezvo vakawanda vari kuchema chema kuti havana chekufambisa.

Sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rakaparura chirongwa chekuti vanhu vanyorese kuvhota richienda pedyo nemisha yavo chemobile voter registration. Musi wa 1 Kukadzi kunyangwe zviri kunzi vashoma vari kuenda kunonyoresa kuvhota.

Vamwe vanoti ZEC haisi kushambadzira zvakasimba chirongwa ichi. Asi sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vanoti vari kuita zvose zvinodiwa kushambadzira chirongwa ichi.

Mukuru weZIMRIGHTS VaDzikami Bere vaudza Studio 7 kuti vanoda kubatsirwa nezvekufambisa nezimrights vanonzi vachaye nhare panhamba dzinotevera, Gweru 0772 698 386, Zvishavane 0772 673 801 uye Masvingo 0772 318 04

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG