Accessibility links

Breaking News

Yangove Njake Njake Muzvikoro Vana Vachidzoserwa Kumba


Vadzidzisi vakawanda havana kuteerera kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa vachiti vanoda kutanga vapihwa zvavakavinmbiswa nehurumende.

Mumwe mudzidzisi wemuChinhoyi asina kuenda kubasa VaRosten Mtapwa vanoti havaende kubasa nekuda kwekurudziro asi nekupihwa mari inovakwanira.

VaMtapwa vanoti kunyangwe vanga vachida kuenda kubasa zvanga zvisinga kwanisike nekuda kwekuti vakambomiswa sezvo vainge vasingaenda kubasa kubva zvavhurwa zvikoro vachinzi vasakanganise kuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa nekusasvika pazvikoro zvavanodzidzisa.

Izvi zvatsigirwa ndmutungamiri werimwe sangano rino miririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbawe -PTUZ-VaTakavafira Zhou vanoti havana kumbobvira vati nhengo dzavo dzidzokere kuzvikoro.

VaZhou vanoti zvikoro zvinongovhurwa chete kana vadzidzisi vakapihwa mari dzinovakwanira danho ratsigirwawo nevaimbove gurukota rezvedzidzo muhurumende yemubatanidzwa VaDavid Coltart vebato rinopikisa reCirtizens Coalition for Change.

VaColtart vanoti chinhu chinosuwisa ndechekuti vana vechikoro vave nemakore maviri vasinga dzidze zvakanaka vakakurudzira kuti hurumende pamwe nevadzidzisi vakoshese remangwana revana.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi VaTaungana Ndoro vanoti vadzidzisi vakawanda vadzokera kubasa uye vana vatanga rugwaro rweForm One zvakanaka.

VaNdoro vanoti havana huwandu huzere hwevadzidzisi vakambomiswa basa vachiti vachaziva kana vapa vadzidzisi vose vasiri kuenda kubasa magwaro ekuti paongororwe kuti sei vasiri kuenda kubasa.

Zvichakadaro vatungamiri vevashandi kusanganisira vamiriri vevadzidzisi vakapinda mumusangano nemutumgamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumuzinda weState House muHarare kuti vazeye matambudziko avo.

Mumwe akapinda musangano uyu mutauriri werimwe sangano rinomirira varairidzi reZimbabwe Teachers Association-ZIMTA-VaGoodwill Taderera avo vakati vachataura kana vabuda mumusangano asi vanga vasati vapedza musangano patakaenda pamhepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG