Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Iri Kuzorwa Mafuta eNguruve Yaisina Kudya Pakurohwa kweVaTsigiri veZanu-PF


VaTafadzwa Mugwadi naVaPatrick Chinamasa
VaTafadzwa Mugwadi naVaPatrick Chinamasa

Mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere varamba mashoko ekuti bato ravo rine chekuita nekurohwa kunonzi kwakaitwa vatsigiri veZanu-PF kuBulawayo.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa kuvatori venhau neMuvhuro nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reZanu-PF VaMike Bimha.

VaBimha vakaudza vatori venhau kumuzinda webato ravo muHarare kuti kune vatsigiri vebato ravo vakarohwa kuBulawayo nevanopikisa avo vasina kudoma nemazita.

Asi vachitaura neStudio 7 mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati mapurisa ari kuferefeta asi pane humbowo hwekuti vatsigiri veCCC.

Vachipindura, Muzvare Mahere vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoda runyararo kwete zvemangoromera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG