Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vombochengetedzwa neMapurisa Vachitsvaga Rutsigiro


Mutevedzeri wemutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaTendai Biti
Mutevedzeri wemutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaTendai Biti

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaTendai Biti vakambochengetedzwa nemapurisa nemusi weMuvhuro apo vainge vachitsvaga rutsigiro kuGreendale, muHarare pamberi pesarudzo dzemaby-elections.

VaBiti nechipangamazano chavo VaEmmanuel Zellers Gumbo vanonzi vakasungwa nemapurisa maviri nemumwe musori. Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vati VaBiti vakaendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central asi vazosungunurwa vasina mhosva yavapomerwa.

VaBiti vari kukwikwidza musarudzo deby-election muHarare East. Kuzungwa kwaVaBiti kuri kuuya apo bato reZanu-PF rakaita musangano wainge uine vanhu vakawanda kuEpworth unonzi nevanopikisa hauna kana kukanganiswa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vati vange vasiri muhofisi kuti vapindure mibvunzo yedu uye vatiwo vange vasati vapirwa nezvenyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG