Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kupemberera Zuva reKutepfenyura paRadio


Zimbabwe nemusi weSvondo yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zuva rekurangarira mabasa anoitwa neRadio kana kuti World Radio Day.

Mhembererero idzi dzakaitirwa kuChiredzi. Nhengo dzebazi reUnited Nations rinoona nezvedzidzo reUNESCO ndidzo dzakatanga kucherechedza zuva iri muna 2011 rikazotambirwa negungano guru reUnited Nations General Assembly muna 2012 richinzi ripemberererwa musi wa 12 Kukadzi gore roga roga.

Radio kana kuti dzangaradzimu yakakosha zvikutu muhupenyu hwevanhu panyaya dzekuburitswa kwemashoko. Dingindira regore rino rakanangana nechivimbo nezvinotepfenyurwa kana kuti Radio and Trust.

Nyaya yekutepfenyura muZimbabwe yakatanga muna 1932 nyika ichiri kunzi Rhodesia.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti hurumende iri kufara kuti yapa marezinesi akawanda kune vamwe vemaradio nematerevhizheni.

Asi sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, Studio 7 yabata mukuru wesangano revatori venhau reMISA Zimbabwe VaTabani Moyo avo vanoti vari kuda kuti hurumende ipe makambani akawanda marezinesi ekutepfenyura kwete vanonzo vanodyidzana nehurumende yeZanu-PF chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG