Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voramba Kuti MDC Chave Churu Chakapinda Nyoka


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T uye vachitungamira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora vanoti vanofunga kuti bato ravo richakunda musarudzo dzemaby elections musi wa 26 Kukadzi kunyangwe hazvo nemusi weMugovera vanhu vashoma vakaenda kumusangano webato iri wekutanga wakaitirwa paZororo Grounds kuHighfield.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kuti bato ravo rave zuru rakapinda nyoka vari kushora mbodza neinozvimbira.

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zviri kuitika mubato iri zvinosanganisira danho revamwe vaive mutevedzeri waVaMwonzora, Dr Thokozani Khupe zvekuti vave kutungamira chimwe chikwata cheMDC-T munongedzo wekuti kwave kuparara kwebatoreMDC rakaumbwa muna 1999 richitungamirwa namushakabvu Morgan Tsvangirai.

Panyaya yezita rekuti MDC Alliance VaMwonzora vatenda kuti vakawanda vakanyorerana chibvumirano ichi havasisipo asi vakati kumapato avakabva kwave nevamwe vavati vave kutungamira mapato aya.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG