Accessibility links

Breaking News

Makundano eNhabvu yePSL Anodzoka Mushure meMwedzi


Mitambo yenhabvu yadzoka mushure memwedzi wambomiswa.

Makundano enhabvu yepamusoro ePremier Soccer League adzoka mudariro neMugovera masikati mushure mezororo renguva ndefu, achisimuka mushure memwedzi wezororo apo Chicken Inn yarova Tenax 3-0 munhandare yeLuveve kuBulawayo.

Kukunda uku kwapinza Chicken Inn pachinhanho chechitatu yakaenzana pamapoinzi matanhatu neFC Platinum neDynamos asi pasi peManica Diamonds neNgezi Platinum Stars.

Asi vanga vari munhandare yeLuveve Stadium iyo yatambirwa mutambo uyu vanoti varwadzikana zvikuru nekushomeka kwevanhu vauya kuzoona mutambo wenhabvu yepamusoro munyika uyu.

Kuona mitambo yenhabvu munyika hakuchanyanyoda mari yakawanda sezvo mitambo yave kubhadharwa madhora matatu chete.

Mutambo uyu ndiwo mumwe wemitambo mitatu yakamiswa nemhaka yechirwere cheCovid 19, makundano ePSL asati aenda kuzororo.

Mimwe yemitambo iyi iriko mangwana apo chikwata chine mukombe uyu FC Platinum chiri kusangana ne Bulawayo Chiefs munhandare yeLuveve zvekare.

Mutambo uyu uri kusangana murairidzi wemuno Norman Mapeza weFC Platinum nemurairidzi weku Portugal, Nilton Torosso, uyo anorairidza Bulawayo Chiefs.

Muongorori wemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anoti nemaziviro aanoita Mapeza, anokunda chete mumutambo uyu.

Black Rhinos ine Caps United kuSakubva Stadium uko Makepekepe iri kutanga kutambisa vatambi vayo vatsva Rodwell Chinyengetere, Dennis Dauda, William Manhondo naDevon Chafa.

Nevatambi vavakatenga ava nhengo yebhodhi rechikwata ichi VaAbraham Kawadza vari kutarisira mikombe kubva kumurairidzi wavo mutsva Lloyd Chitembwe.

VaKawadza vanoti Chitembwe ane paakasiira asati aenda kuchikwata cheHarare City apo anofanira kuzadzikisa.

Pari zvino, Manica Diamonds ndiyo iri kutungamira gungano iri nemapoinzi mapfumbamwe kubva mumitambo mitatu.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG