Accessibility links

Breaking News

Black Rhinos Inosarudzo Sakubva seMusha Wayo apo Nhandare yeRufaro iri Kugadziriswa


Chikwata cheBlack Rhinos chasiya nhandare yeNational Sports Stadium iyo iri kushandiswa nezvimwe zvikwata zvemuHarare

Zvikwata zvenhabvu muZimbabwe zvichambonira kwenguva yakati rebei kuti zvishandise nhandare yeRufaro Stadium zvekare. Izvi zvave kureva kuti zvikwata zvose zvinotambira muHarare zvinenge zvoshandisa National Sports Stadium chete.

Mutauriri weCity of Harare VaMichael Chideme vanoti gadziriso yeRufaro Stadium kuti isvike panodiwa neCaf, Fifa neZifa, yambomiswa nezvikonzero zvakasiyana-siyana.

VaChideme vanoti havo basa remazuva ese rinosanganisira kugadzirisa mukati menhandare, zvimbuzi, nezvimwe zvidiki-diki, riri kuenderera mberi.

Asi gadziriso yepanogara veruzhinji, panogara vatori venhau, panopfekera zvikwata, pamwe nemagetsi emunhandare zvese zvambomiswa parizvino..

Mukuru we komiti irikuona nezve Rufaro Stadium VaObert Mutonhori vanoti mitengo yezvishandiso yakakwira zvakanyanya munguva yelockdown izvo zvakasiya mari yavaive vakaisa parutivi isisakwane.

VaMutonhori vanoti vave kutanga patsva kutsvaga zvishandiso izvo zvisingaitike nezuva kana mwedzi mumwechete.

Asi VaChideme vataurira Studio 7 kuti kanzuru yeHarare yasimudzira basa kuGwanzura Stadium yakabatana nehomwe yemutungamiri wenyika kana kuti President’s Fund iyo inotungamirwa namuporofita Uebert Angel.

Vanoti vari kutarisira kuti kugadzira nhandare yeGwanzura kusvika panodiwa neCaf neFifa kuchapera nenguva zvekukwanisa kushandisa nhandare iyi gore rino risati rapera.

Kusashandiswa kweRufaro neGwanzura kwamanikidza zvikwata zvemuHarare kuti zviungane kushandisa nhandare imwechete yeNational Sports Stadium.

Black Rhinos, Caps United, Dynamos, Harare City. Herentals, neYadah, dzirikugovana kushandisa nhandare imwechete iyi.

Zvikwata izvi hazvikwanise kushandisa Larfage nekuti haikodzere kutambirwa nhabvu yePremiership uyezve Chibuku Stadium kuChitungwiza nekuti irikudawo gadziriso yakasimba.

Izvi zvamanikidza Black Rhinos kuti isiye National Sports iyi yakananga kwaMutare kunoshandisa Sakubva Stadium kutanga svondo rino pari kudzoka mitambo.

Munyori mukuru weBlack Rhinos colonel Edward Mutukwa vanoti havasi kuwana rusununguko rwekutamba mazuva avanoda muNational Sports Stadium nemhaka yekuwanda kwezvikwata zvirikushandisa nhandare iyi.

Rhinos irikutarisirwa kuvhura mitambo yayo yemuSakubva Stadium nemutambo weligi neCaps United nesvondo.

Aka kanenge kave kechipiri Rhinos ichishandisa Sakubva iyoyi mushure mekunge chikwata chimwechetecho makore apfuura chakamboshandisa Rudhaka kuMarondera, Rimuka muKadoma pamwe neChinhoyi Stadium.

Murairidzi weChipembere Hebert Marowa anoti varikuda kudzora Rhinos pamazuva a1984 na 1987 apo Chipembere yakatora mukombe weligi.

Black Rhinos ichaenda kunoshandisa nhandare reVengere kwaRusape iyo ri kugadzirwa pari zvino.

Makundano ePSL ari kudzoka svondo rino mushure memwedzi wezororo kupa nguva kuhorodhi yekisimisi nemakundano eAfcon ayo akapera svondo rapera.

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vanoti varikufara kuti veruzhinji vachange vachibhadara madhora matatu chete kubva pamadhora gumi aimbosheedzerwa kuona mitambo iyi.

Mutambo mukuru pamitambo yesvondo rino ndeuyo uri pakati peFC Platinum iyo ine mukombe weligi uyu neBulawayo Chiefs iyo irikubaka moto unotyisa.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG