Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi, 11, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMaputo, guta guru reaMozambique, uko vari kusangana nemutungamiri wenyika iyi vachizeya nyaya dzekugadzikana kwedunhu.

National Blood Services Zimbabwe inoti muropa riri mumatura ayo, ropa rerudzi rweGroup “O”, iro rinonzi rinoshandiswa nezvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana zvevana veZimbabwe, riri pasi zvakanyanyisa.

Sangano revarairidzi re Amalgamated Rural Teachers Union kana kuti ARTUZ rinoti raudza magweta aro eZimbabwe Human Rights NGO Forum kuti akwire kudare reHigh Court achipikisa danho rebazi redzidzo yepasi rekumbomisa basa varairidzi vanonzi havasi kuenda kumabasa, danho rinonzi nenyanzvi dzemutemo harisi pamutemo.

Mapato ezvematongerwo enyika eCitizens Coalition for Change, MDC-Alliance pamwe neZanu PF oparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro mangwana pamberi pesarudzo dzema by-elections dziri kuitwa muna Kurume.

Bazi rezvehutano rakazvisa nezuro kuti vanhu vatanhatu vakafa neCovid-19 uye vamwe zana nemakumi matanhatu vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare munyika yose.

Zvikwata zvenhabvu muZimbabwe zvichambonira kwenguva yakati rebei kuti zvishandise nhandare yeRufaro Stadium zvekare. Izvi zvave kureva kuti zvikwata zvose zvinotambira muHarare zvinenge zvoshandisa National Sports Stadium chete.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yezviri kuitika muzvikoro pamwe nekuvarairidzi, gadziriro dzesarudzo dzemaby-elections uye denda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG