Accessibility links

Breaking News

Gurukota Rinoona nezveDzidzo Romisa Basa Varairidzi Vari Kuramwa Mabasa


Gurukota rinoona nezvezvedzidzo Dr Evelyn Ndlvou vakazivisa mumashoko kuvatori venhau nemusi weChina kuti varairidzi nevamwe vashandi vehurumende vange vachiramwa mabasa vambomiswa basa kwemwedzi mitatatu vasingatambiriswe. Vati vari kuramwa mabasa vachatorerwa matanho akaomarara.

Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende yakagadzirira kuramba ichiita nhaurirano nevashandi nenyaya yemari yemuhoro asi vakakurudzira kuti vadzokere kumabasa.

Hurumende yakawedzera vashandi mari nemusi weChipiri mushure mekunge varairidzi varatidzira zvine mutsindo nyika yose.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumashoko kuvatori venhau, hurumende yakati mutungamiri wenyika mbune VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakazopindira kuti vashandi vawedzerwe mari. Asi vashandi vehurumende vakawanda vari kuti pachitariswa mamiriro ezvinhu, mari iyi ishoma nekudaro vamwe vave kuti vachaenderera mberi vachiramwa mabasa vamwe vachiti vachdzokera kubasa asi vachiendererera mberi nehurukuro.

Ko vashandi vari kutambira sei kurudziro yehurumende iyi? Mutungamiri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Union Amai Cecilia Alexander vaudza Studio 7 kuti vashandi vari kutambira mari iyi asi vachida kuramba vachiita nhaurirano.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano guru revarairidzi reZimbabwe Teachers Association rakati nhengo dzaro dzichadzokera kubasa kana mari iyi yauya mwedzi unouya uye kana vapihwa zvekufambisa.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vanoti havasi kuzodzokera kumashure pachido chavo chekuti vatambiriswe mari inosvika mazana mashanu nemakumi maviri kana kuti UD$520.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG