Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Vanhu Zviuru Mazana Mashanu (500, 000) Vakafa neCovid-19 Kubva Zvakatanga Kupararira Mhando yeOmicron


Bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization kana kuti WHO rinoti vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 vakafa nechirwere cheCovid-19 kubva zvakawanikwa mhando itsva yechirwere ichi yeomicron.

Mhando iyi yakatanga kuonekwa nenyanzvi Dr Sihkulile Dube chizvarwa che Zimbabwe chinoshanda kuBotswana muna Mbudzi. Mukuru muWHO VaAbdi Mahamud vachitaura nevatori venhau padandemutande reinternet vakai pavanhu avzviuru zana kana kuti 100, 000 vari muAmerica.

Vanhu mamiriyoni zana nemakumi matatu kana kuti 130 millon vakabatwa nechirwere ichi kubva zvakatanga kupararira mhando yeOmicron.

Pasi rose kwemavhiki mashanu akatevedzana, huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 hwakawedzera nezvikamu zvinomwe kubva muzana uye svondo rapera chete kwakafa vanhu zviuru makumi matanhatu nemasere kusvika pa 68, 000.

Mukuru weWHO VaTedros Adhamon Ghebreysus vakayambira vanhu pasi rose kuti vasarivare nekuti chirwere ichi chichiri kuuraya vanhu vakawanda.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvekutapuriranwa Muzvinafundo Davison Sangweme vanodzidzisa paUniversity of North Georgia vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vazive kuti chirwere ichi chichiri kuuraya vanhu vakawanda kunyangwe vamwe vachifunga kuti chave kupera.

Hurukuro naMuzvinafundo Davison Sangweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG