Bazi rezvehutano rinoti nemusi weChitatu hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vachiri zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 5 367.
Vanhu zana nemakumi mana vakabatwawo nechirwere ichi neChipiri chakare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri nemakumi matatu zvine mazana masere nemakumi masere kana kuti 230, 880.
Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemaviri zvine makumi matanhatu nevatatu kana kuti 4 302 063.
Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi matatu nechimwe zvine mazana mashanu nemakumi mana nevapfumbamwe kana kuti 3 331 549.
Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru zvinomwe nezvina zvine mazana matanhatu nevaviri kana kuti 74 602.
Hurumende inoti ine chinagwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.
Facebook Forum