Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votadza Kuwirirana Kuti Vomira Here Kuramwa Mabasa Mushure Mekuwedzerwa Mari Yavari Kuti Ishoma


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Vashandi vehurumende havasi kuwirirana kuti votambira here kana kuti kwete mari yavakawedzerwa nehurumende nemusi weChipiri mushure mekuratidzira zvine mutsindo kwevarairidzi nyika yose.

Vachitaura mushure mehurukuro dzaitwa nemasangano akasiyana-siyana anomiririra varairidzi, murongi wemabasa mumubatanidzwa wemasangano reFederation of Educators Union of Zimbabwe,

VaCharles Chinosengwa vati zvakaiswa nehurumende patafura hazvisimudziri homwe dzavo. VaChinosengwa vati mari dzemihoro dzakataurwa idzi hadzivakwaniri huye hurumende haina kumboita hurukuro navo

Varairidzi vazhinji havasi kuenda kuzvikoro izvo zvakavhurwa nemusi weMuvhuro vachiti vanoda kuti hurumende ivatambirise mihoro yavo nemari yekuAmerica yavaiwana zvinhu zvisati zvachinja muna Gumiguru wa2018.

Vamwe vashandi vehurumende pasi peZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions vanotiwo vachabuda nechisungo musi wechishanu.

Vachitaura neStudio 7 , munyori musangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga vati vachiri kuita hurukuro nenhengo dzeboka ravo.

Asi VaDzatsunga vati vagamuchira kuti hurumende yakuona kuti vashandi vanoda kupiwa mihoro nemari yekunze. Vatiwo vashandi vehurumende vari panguya yakaoma nekudaro mari dzinowedzerwa dzinofanirwa kuwedzerwa nguva iyoyo kwete mwedzi unotevera.

Asi mutungamiri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions Amai Cecilia Alexander vati semumiriri wevashandi munhaurirano nehurumende vanogamuchira mari iyi parizvino asi vachikurudzira kuti nhauriranop dzienderere mberi vowedzerwa zvakare muna Kubvumbi.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZimta VaRichard Gundani vatiwo. Nyanzvi munezvehupfumi VaMasimba Manyanya vatiwo hurumende inofanirwa kupa vashandi vayo kusanganisira varairidzi mari dzine chiremera huye dzinoenderana nekushanda kwavo.

VaManyanya vatiwo chakakosha parizvino imari yemihoro kwete zvimwe zviri kuvimbiswa nehurumende kurerutsira vashandi vayo.

Hurumende nezuro yakazivisa kuti yakati ichawedzera vashandi vayo mari dzemihoro nezvikamu makumi maviri kubva muzana vachidzokera shure kumwedzi waNdira. Asi hurumende yakatiwo pamari yemihoro iyi vachange vachipa madhora zana ari mumari yemadhora ekuAmerica kutanga mwedzi waKurume. Mari iyi inenge yabviswa pamari dzemaRTGS dziri kutambiriswa vashandi.

Pamusoro pematanho aya, hurumende yakatiwo ichange ichibhadharira vana vatatu vevashandi vayo mari dzechikoro, isingadariki 20 000 RTGS pamwana wega wega.

Varariridzi vakanzi vachange vachipihwawo zvekufambisa kuenda kuzvikoro uye kupinza mota kubva kunze kwenyika pasina mubhadharo wemutero pamabhodha. Hurumende yakatiwo ichapa vashandi vayo zvikwereti zvekuti vakwanise kuwana dzimba

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG