Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNhabvu chemaWarriors Chokweshana neGhana muMutambo weMakwikwi eWorld Cup


Chikwata cheZimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu yevanhurume cheZimbabwe, chemaWarriors, chiri panguva yakaoma apo chiri kupinda munhandare yeCoastal International Stadium muGhana mangwana mumutambo wacho wekutanga neGhana mumakwikwi ekuenda ku2021 World Cup.

Chikwata ichi chinofanira kukunda kunyange zvikaoma sei nekuti kusaita izvi kunochisiya chisisina chimuko mumakundano enhabvu yepasi rose aya.

Zimbabwe ndiyo iri pasi pasi mugungano rezvikwata zvina nepoindi imwechete chete zvekuti kurohwa zvekare kunovapinza mumadhaka asingabudike.

Pamusoro pekutamba kunze kwemusha, maWarriors ari kusangana zvekare neGhana yakasimbisisa iyo yaunganidza vatambi vane mukurumbira kusanganisira Thomas Partey weArsenal, Jordan Ayew weCrystal Palace, Mohammed Kudus weAjax naTariq Fosu-Henry weBrentford.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaAdmire Muhimeke vanoti Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe kana ichida kukunda mumutambo uyu.

Asi maneja wechikwata ichi VaWellington Mpandare vanoti chishuwiro chavo kutora mapoinzi ese ari pamutambo uyu.

Zimbabwe ine vatambi vari kurura kunze kwenyika kusanganisira Marvelous Nakamba weAston Villa, Jordan Zemura weBournemouth, Brendon Galloway wePlymouth naTendai Darikwa weWigan kuEngland pamwe na Marshal Munetsi weReims kuFrance.

Aimbotambira Dynamos, Chamunoda Musanhu, anoti vatambi ava vane mwongo wekukwanisa kukunda mumutambo uyu.

Kaputeni wechikwata ichi KnolwedgeMusona, uyo anotambira kuSaudi Arabia, ndiye akatanga kusvika muGhana vamwe vachizoteverawo.

VaMpandare vanoti Khama Billiat, uyo asiri kutamba nemhaka yemakadhi aakapiwa akawanda, ari kupa rutsigiro ari muGhana umu asi achizotamba mumutambo unotevera.

Ghana neZimbabwe dziri kusangana zvekare muNational Sports Stadium neChipiri svondo rinouya.

Mutambo uri muCoastal International Stadium uyu uri kutenderwa vanhu zviuru zvina (4 000) chete kupinda kuzoona.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG