Livetalk: The Connection with Mike Hove
Muchirongwa chanhasi tiri kukurukura nevechidiki nezvechirongwa chehurumende chekubaya vanhu nhomba inodzivirira COVID-19. Tirikutarisawo mamiriro akaita dzidzo munyika panguva iyo Zimbabwe yoendera mberi ichitora matanho akasiyana siyana akanangana nekurwisana nedenda reCOVID-19 anosanganisira chirongwa cheLevel 4 COVID-19 Lockdown chakawedzerwa nemamwe mavhiki maviri. Munokwanisa kupinda muchirongwa ichi nekutifonera panhamba dzinoti +1-202-619-2077.