Accessibility links

Breaking News

Hupenyu Hwedu Tiine Hurukuro naSachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi


Hupenyu Hwedu Tiine Hurukuro naSachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi. VaKomichi vanoti havana kumbobvira vasiya bato iri kunyange hazvo vaive muMDC Alliance semubatanidzwa wemapato manomwe.

Sachigaro veMDC-T, VaKomichi vanoti vakagara vari mubato iri, uye havana kumbobvira vaita nhengo yebato reMDC Alliance nekuti MDC Alliance haina kumbobvira yaita bato rezvematongerwo enyika, asi kuti waive mubatanidzwa wekupinda nawo musarudzo muna 2018. VaKomichi ndivo vaive election agent wemutungamiri weMDC Alliance musarudzo, VaNelson Chamisa uye vakakwikwidza kuti vawane chigaro pakongiresi yeMDC Alliance yakaitwa kuGweru muna 2019.
XS
SM
MD
LG