Accessibility links

Breaking News

Muimbi Joseph Shabalala Oradzikwa KuSouth Africa


Muchakabvu Joseph Shabalala
Muchakabvu Joseph Shabalala

Muimbi aive nemukurumbira pasi rose Joseph Shabalala uyo akavamba chikwata cheLadysmith Black Mambazo aradzikwa muSouth Africa nhasi kuSteadville, Kwazulu-Natal.

Shabalala akashaya musi wa 11 Kukadzi mushure mekurwara kwenguva yakareba.

Vamwe vaenda kurufu rwake vanosanganisira mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa. Vamwe vaimbi vakawanda vemuSouth Africa vange vari parufu urwu vachionekana naShabalala.

Chikwata chemuZimbabwe cheIndosakusa; The Morning Star change chichiimbawo parufu urwu.

Shabalala akamboimbawo namuchakabvu Oliver Mtukudzi uye Paul Simon wekuAmerica pandambarefu rake rinonzi Graceland.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG