Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vane Varwere paParirenyatwa Voswerapo Nekuda kweKuoma kweZvinhu


Gurukota rezvehutano Dr. Obadiah Moyo vachitaura nevarwere pachipatara cheParirenyatwa muHarare.
Gurukota rezvehutano Dr. Obadiah Moyo vachitaura nevarwere pachipatara cheParirenyatwa muHarare.

Kuwondomoka kwehupfumi munyika kowedzera kutambudzika kwehama dzine varwere muzvipatara zvakadai seParirenyatwa, uko vanachiremba vasiri kuenda kumabasa.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 pachipatara cheParirenyatwa inoratidza kuti veruzhinji vanorwarirwa vari kuswera vari pachipatara ichi vakamirira kuona varwere panguva dzakeona varwere, vachiti zvinhu zvakavaomera kuti vange vachimbodzokera kudzimba vozodzokazve sezvo mari dzekufambisa mumichovha dzakakwidzwa zvakanyanya.

Mumwe wevanhu vanoswera pachipatara ichi ndemumwe mudzimai uyo angoda kuzivikanwa nezita rekuti Mai Miranzi.

Amai Miranzi, avo vane mukoma wavo ari muchipatara, vanoti kana vangouya panguva dzekushanyira murwere dza 6 dzemangwanani, vanozobva pachipatara apa mushure mekuona murwere nenguva dza 6 dzemanheru. Amai Miranzi vanoti vanoswera nenzara.

Amai Miranzi vanotiwo kunyangwe hazvo vari vanhu vabva zera, vanotofamba netsoka kubva mudhorobha mavanenge vaburukira kuenda kuchipatara cheParirenyatwa.

Amai Rumbidzai Shumba vane murwerewo zvakare muParirenyatwa. Amai Shumba vanotsigirawo zvataurwa naAmai Miranzi vachiti kudhura kwemari dzekufambisa ndiko kunovapa kuti vangoswera havo pachipatara apa.

Kunyangwe hazvo vane varwere ava vachiswera pachipatara apa, vanotiwo kusavapo kwanachiremba kunowedzera matambudziko avo sezvo hama dzavo dzisiri kurapwa uye vachingowana pasina shanduko. Vanachiremba havasi kuenda kumabasa vachiti havasisina zvikwanisiro zvinoita kuti vaende kumabasa avo.

Vamwewo amai vada kuzivikanwa nezita rekuti Kukuwe vati zvinosuwisa kuti zvavanenge vangosiya varwere vavo vari ndizvo zvavanowana vari.

Vemachechi pasi pemubatanidzwa weZimbabwe Christian Heads of Denominations vanotiwo vakanyora gwaro kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaridza kushushikana zvikuru nekurambodzikira kwezvinhu munyaya dzehupfumi.

Vachitaura neStudio 7, Reverend Kenneth Mtata veZimbabwe Council of Churches vanoti vemakereke vanoona sekuti kuramboderera kwehupfumi kunokonzera kusagadzikana kwezvinhu munyika.

Ukuwo, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kushaya simba kwemari yemunyika ichienzaniswa nedhora rekuAmerica pamwe nekudhura kwemitengo yezvinodiwa nemunhu zuva rega rega zvave kusiya mhuri zhinji dzichinyura kupinda muhurombo.

Nyaya ine mutori wedu wenhau, Rutendo Mawere
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG