Accessibility links

Breaking News

Britain Yodoma Mumiriri Mutsva kuZimbabwe


Ambassador Catriona Laing.

Britain yadoma Amai Melanie Robinson kuti vave mumiriri wenyika iyi muZimbabwe kutanga muna Ndira gore rinouya.

Ambassador Robinson vari kutora chigaro chiri kusiiwa naAmbassador Catriona Laing avo vave kuenda kuNigeria.

Parizvino Amai Robinson vari kushanda muWashington DC semukuru weBritain kuWorld Bank. Amai Robinson vakamboshanda nesangano reDepartment for International Development kana kuti DFID.

Britain inoti ichatsigira kuti Zimbabwe idzorwe mugungano reCommonwealth, sangano redzimwe nyika dzaive pasi pehutongi hweBritain.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG