Accessibility links

Breaking News

Varombo Vorapwa Itsvo Pachena Kuzvipatara zveHurumende


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Hurumende inoti kugezwa kweitsvo “Renal Dialysis” kuzvipatara zvehurumende kwave kuitwa pachena veruzhinji vachiti izvi zvichabatsira varombo.

Gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa vanoti sehurumende vanoshuvira kuti veruzhinji vawane hutano hwakanaka uye nemutengo wakaderera.

Dr Parirenyatwa vanoti kuburikidza nemari ye”Health Levy Fund,” vanhu kuzvipatara zvehurumende vave kugezwa itsvo pachena vakati tarisiro yavo ndeyekuti izvi zviwanikwe kumakirinika nemahospitari ese ehurumende. VaParirenyatwa vati vanotarisira kuti izvi zvichabatsira veruzhinji.

VaParirenyatwa vakurudzirawo kuti avo vanowana uye vanoshandisa ma Medical Aids varambe vachibhadhara kugezwa itsvo kuitira kuti varombo vawane chouviri.

Mubatanidzwa wevanorwara nechirwere cheitsvo weKidney Association of Zimbabwe watambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende iri. Vachitaura neStudio 7, Amai Rumbidzai Mashinge munyori muKidney Association of Zimbabwe vati danho iri richarerutsa zvikuru mutoro wekurapwa kunhengo dzavo.

Vatiwo vane chivimbo chekuti kunyangwe zvinhu zvichakaipa munyaya dzehupfumi, hurumende ichakwanisa kuoona kuti kurapwa pachena uku kwabudirira.

VaEvans Masitara munyori musangano rakazvimiririra reZimbabwe Doctors for Human Rights varumbidzawo chirongwa chehurumende ichi vachiti chichaponesa varwere zvikuru varombo.

Asi VaMasitara vatiwo zvakakosha kuti hurumende iise mari yakawanda pabhajeti renyika munyaya dzezvehutano kuitira kuti kurapwa pachena uku kusazovhiringwe kana homwe yeHealth Levy Fund ikasapinda mari inokwana.

Kugezwa itsvo muzvipatara zvehurumende kunoda mari iri pakati pemadhora makumi masere nezana kozotiwo kuzvipatara zvisiri zvehurumende pakati pemadhora mazana maviri nemazana maviri ane makumi mashanu.

Zvinotarisirwa kuti pasvondo munhu anogeswa itsvo rutatu kana aine chirwere ichi.

Zimbabwe inoti pagore kune vanhu chiuru chimwe chete vanobatwa nechirwere ichi asi mazana manomwe chete ndivo vange vachikwanisa kunorapwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG