Accessibility links

Breaking News

Amai Thokozile Mathuthu Vanoshaya neChirwere cheGomarara


Amai Thokozile Mathuthu

Vakambove mutevedzeri wegurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Thokozile Mathuthu, vashaya neMuvhuro mangwanani muHarare.

Amai Mathuthu vashaikira kumba kwavo muHarare mangwanani mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Amai Mathuthu vange vari mutevedzeri wemunyori weboka reWomen’s League uye vakadomwa semumwe wemaseneta eMatabeleland North musarudzo dzichangopfuura.

Gore rapera Amai Mathuthu vakadomwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuve gurukota redunhu reMatabeleland North mushure mekunge vamboitwa mutevedzeri wegurukota rezvekufambiswa kwemashoko mugore ra2015.

Amai Mathuthu vakamboshandazve sagavhuna wedunhu reMatabeleland North kubva mugore ra2005 kusvika 2013 uye panguva iyi vakaita mutauro wakaipa mushure mekugara pane imwe hotera iri muBulawayo kwemwedzi yakawanda pane kuti vanogara kuLupane rinove guta redunhu reMatabeleland North.

Kuita uku kwakashorwa nevakawanda zvichinzi kwaive kutambisa mari yehurumende.

Nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF uye vakambove mumiriri weMpopoma mudare reparamende, VaJospeh Tshuma, vaudza Studio 7 kuti Amai Mathuthu vaive munhu akazvipira mukushandira bato ravo pamwe nenyika, vakatiwo kushaya kwavo kurasikirwa kukura kwebato nenyika.

Gurukota redunhu reBulawayo, Amai Angeline Masuku, pamwe naVaAbsolom Sikhosana imwe nhengo yepolitburo yeZanu PF vati kusahaya kwaAmai Mathuthu kwauya vasingafungire vachitiwo vanoona Amai Mathuthu vachikodzera kupiwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Amai Mathuthu, avo vanga vava nemakore makumi mashanu, vasiya murume VaJonathan Mathuthu.

Panguva yekuenda pamhepo hapana zvakawanda zvange zvati zvataurwa maererano nehurongwa hwekuvigwa kwaAmai Mathuthu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG