Bato reMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti harisi kufara kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission iri kudhinda mapepa ekuvhotera pasarudzo yemutungamiri wenyika ichiisa zita raVaEmmerson Mnangwagwa pamusoro.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House nemusi weMuvhuro, vari kumirira VaNelson Chamisa munyaya dzesarudzo dzemwedzi uno, VaJameson Timba vakati vakaita musangano nasachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba nezuro mangwanani apo vakaratidza kusafara nezviri kuitwa neZEC izvi.
VaTimba vanoti havasi kufara kuti ZEC iri kudhindisa mapepa ekuvhotera pasarudzo yemutungamiri wenyika ichiisa zita remutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamusoro.
VaTimba vati kunze kwekuti ZEC idhindhise mapepa aya ichitevedzera manyorerwo anoisa vara rekutanga pamberi kana kuti alphabet, komisheni iyi iri kudhinda bepa iri riine mitsara miviri inodzika ikaisa zita raVaMnangagwa pamusoro pamutsara wechipiri zvavanoti zviri pachena kuti ZEC yakatsvaga nepose painogona napo kuti zita raVaMnangwagwa rive pamusoro pabepa rekuvhotera.
VaTimba vatiwo havasi kufara nemamiriro egwaro revavhoti iro ravanoti rine vanhu vazhinji vari kushandisa kero imwe chete munzvimbo dzakasiyana-siyana uye vanhu vane nhamba dzakafanana dzezvitupa pamwe nevanhu vane makore akawandisa.
Vati semuenzaniso vakaona mumwe munhu ane makore zana nemakumi mashanu (150years ) ari mugwaro revavhoti iri.
Zvichakadai, mutauriri weZEC, VaJustin Manyau vati titaure nevakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvesarudzo kana kuti acting chief elections officer muZEC, VaUtoile Silaigwana avo vaudza Studio 7 parunhare kuti mutemo unovasungira kuti vadhinde mapepa ekuvhotera vachishandisa alphabet.
Mune imwewo nyaya ine chekuita nesarudzo, MDCT inotungamirwa naVaChamisa nezuro yakabvisa nyaya yayakakwidza kumatare yekuti mutungamiri werimwe boka reMDCT, Muzvare Thokozani Khupe varege kushandisa zita pamwe nemifananidzo yebato iri.
Facebook Forum