Accessibility links

Breaking News

Chikwata chemaChevronsChinopinda muSuper Six Stage ye 2018 World Cup Cricket


Chikwata cheZimbabwe Cricket chichitamba nechikwata cheAfghanistan muna 2016. / AFP PHOTO / Prashant Bhoot
Chikwata cheZimbabwe Cricket chichitamba nechikwata cheAfghanistan muna 2016. / AFP PHOTO / Prashant Bhoot

Chikwata chekiriketi chinomirira nyika, chema Chevrons, chapinda mu Super Six Stage yemakundano e 2018 World Cup Cricket qualifiers ayo ari kuitirwa muZimbabwe.

Chikwata ichi chadambura Hong Kong nemaranzi makumi masere nemapfumbamwe mumutambo watambirwa kuBulawayo kuti chibudirire kuenda muSuper Six Stage, umo chicharwira chinzvimbo chekuenda kuWorld Cup muna 2019.

Hamilton Masakadza, uyo anga akanyarara mumitambo miviri Zimbabwe yakatamba, ndiye amuka chibhebhenenga ndokukanda maranzi makumi masere nemana achibatsirwa naBrendan Taylor, uyo akandawo maranzi makumi mana nematanhatu.

Asi Sikandara Raza ndiye atambidzwa mukombe wekuve mutambi akunda vese mushure mekubuditsa vatambi veHong Kong mumutambo uyo Zimbabwe isina kunetsekana zvakanyanya.

Muteveri wemutambo wekiriketi VaDaniel Charivanda, vanoti varikufara zvikuru nezvaitwa neZimbabwe vachiti ivo vane tariro yekuti ku World Cup Zimbabwe inoenda.

Asi mumwe muteveri wemutambo uyu vaBrighton Bamu vanoti zvanga zviri pachena kuti Zimbabwe inokunda, vachiwedzera ivo kuti mitambo yasara ndiyo yakanyanyokoshesesa.

Zimbabwe yabudirira kuve pazvikwata zvitanhatu zvichange zvichirwira kutora zvinzvimbo zviviri zvakasendekerwa kuenda kuWorld Cup kubva pazvikwata gumi zviri muZimbabwe pari zvino.

Ma Chevrons ari kusangana neScotland neMuvhuro asi mutambo uyu hausisina basa sezvo zvikwata zviviri izvi zvatobudirira kubva mugungano iri kupinda muSuper Six.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG