Accessibility links

Breaking News

Nyaya Ina Gandri Maramba


please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari vekuMasvingo vanoti vari kumanikidzwa kubhadhara mari neZanu PF kuitira kuti mari iyi izoshandiswa pamabiko ekupemberera bhavhadhe remutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, mwedzi uno. VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu nemusi wa 21 Kukadzi. Gandri Maramba anotipa nyaya inotevera. Tape Maramba Vagari vekumaruwa pamwe nevashandi vehurumende vanoti vari kurwadziwa nekumanikidzwa kwavari kuitwa kuti vatsigire zvirongwa zveZanu PF ivo vasingadi. Vagari ava vanoti vechidiki ve Zanu PF vari kufamba mumaruwa pamwe nekumabasa evashandi vehurumende vachivamanikidza kuti vabvise mari inotangira padhora rimwe chete kusvika pamadhora matatu. Mumwe mugari wekwaMazambara kwaZimuto, VaPaul Kurima, vanoti vechidiki ava vari kumakidza masabhuku kuti vatore mari iyi kuvagari. //// Act-1 – Kurima-hongu ichokwadi varikufamba vachitora mari iyi kunesu vagari varikutambura asi isu tirikunetseka apo po patirikunetseka nekuwana zvekuti tirimise sezvo mvura irikunaya. Tirikubhadhara ne kutya hedu kuzowana chinotiwana kubva kumusangano asi hazvitifadzi/// Mumwe mushandi wehurumende akaramba kudomwa zita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venahu anoti vashandi vehurumende vari kumanikidzwa kubvisa mari dzezvirongwa zveZanu PF zvavasineyi nazvo asi hurumende isingavawedzeri mari yemihoro. //// Act-2- Isu madhora aya kungomanikidziwa asi moyo wedu haufari, kuita sekuti tirikuto tsigira musangano uyu kuita zvinhu zvavo asi isi tisingadi. Tofana kupemberera pasina kumanikidzwa uye hazvirevi kuti tose vashandi vehurumende tiri ve Zanu PF izvi hazvina kunaka//// Mushandi uyu anoti vakawanda vari kubhadhara mari iyi vachityira kurasikirwa nemabasa avo, kanawo hupenyu hwavo sezvo Zanu PF iri kuvavimbisa kuzovaranga kana vachinge varamba kubvisa mari idzi. Asi mumwe mudzidzisi weku Zaka, Va Tonderai Hakutangwi, vanoti havasi kuzobvisa mari iyi nekuti zviri kuitwa izvi hazvisi pamutemo. ///Act-3-Hakutangwi-hongu vakauya pachikoro vakaita musangano nemukuru wechikoro akazouya kwatiri achiti tibhadhre madhora si ini handisi kuzobhadhara nekuti izvi hazvisi pamutemo kutyora kodzero dzangu//// Anotungamirira sangano rekodzero dzevanhu re Masvingo Human Rights Trust, VaMasimba Gonese, vanoti ichokwadi kuti izvi zviri kuitika uye vashoropodza Zanu PF vachiti iri kurwadzisa vanotambura. ////Act-4-Gonese- Tatambira mashoko ekuti vanhu varikumanikidzwa kubhara asi hausi mutambo wenyika mutambo we munhu umwechete nekudaro hazvifaniri kunge zvichitika, kutyora kodzero dzevanhu nokudaro tinoti vanhu vasabhadhare mari iyi kana zvisiri pamoyo wavo//// Mumwe wevatungamiri wevechidiki ku Zanu PF, VA Talent Chivange, vanoti mashoko aya ndekunyepa sezvo bato ravo riri kukumbira mari kuvanoda pasina kumanikidza vanhu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi ravo. Zviri kuitika kuMasvingo zviri kuitikawo kumatunhu akawanda munyika. Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vakaudza vanhu neMugovera kuMarula mudunhu reMatabeleland South kuti veZanu PF vakamanikidza mwanakomana wavo kuti abvise mombe, asi akaramba kuita izvi. Vari kuronga bhavhadhe raVaMugabe, Va Never Khanye, vanova nhengo yeZanu PF inomirira Matobo North, vakaudza vatori venhau kuti varimi vose vari muma A2 vanofanirwa kubvisa mombe dzichaurayiwa pamabiko aya. Zanu PF inonzi iri kuda mombe zana nemakumi mashanu dzichaurayiwa pabhavhadhe raVaMugabe. Mhemberero idzi dzichaitirwa pa Rhodes Estate Preparatory School kuMatobo.

XS
SM
MD
LG