Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Chikwata cheUN Chopinda muNyika Kuzotaura neZveChikwereti cheMari yeSarudzo


Gurukota rezvemari VaTendai Biti neMuvhuro vazivisa kuti vakawirirana negurukota rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, kuti chikwata chenhume dzeUnited Nations icho chakananga kuZimbabwe kuzoongorora kuti nyika inokodzera here kupihwa rubatsiro rwemari yekuita sarudzo chipinde munyika kuzoita ongororo yacho.

VaBiti vaudza vatori venhau, kuti vakabvumirana , kuti chikwata ichi chichange chichiita apo chichange chiri munyika uye kuti chichasangana naani.

Vati chavasina kubvumirana inyaya yekuti chikwata ichi chosangana here nevemasangano anoshanda akazvimirira uye vati nyaya iyi iri kuvatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa avo vange vachisangana neMuvhuro. Vati chikwata ichi change chiri kuSouth Africa kubva svondo rapfura mushure mekurambidzwa kuuya munyika naVaChinamasa vachitsigirwa nevamwe muZanu-PF.

Chikwata ichi chave kutarisirwa kupinda munyika chero nguva. Chichaita misangano nemakurukota ehuruemdne kusanganisira ivo VaBiti , VaChinamasa, Amai Priscilla Misiharambwi-Mushonga pamwe nemakurukota anoona nezvemukati menyika.

Chikwata ichi chichasanganawo neveZimbabwe Electoral Commission, mutungamiriri wehurumende VaMorgan Tsvangirai pamwe naRegistrar-General , VaTobaiwa Mudede nevamwe. Rwendo rwechikwata ichi runotevera chikumbiro cherubatsiro rwemari yekuita sarudzo chakaitwa neZimbabwe kuUnited Nations muna Kukadzi.

Zimbabwe yakanyorera United Nations tsamba ichikumbira mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora uye VaBiti vati mari yavave kuda yave shoma sezvo zvinhu zvakashandiswa pareferendamu zvichashandiswa zvekare musarudzo.

VaBiti vatiwo dai mangoda aitengeswa zvakajeka nyika ingadai isiri kutsvaga rubatsiro rwemari yekuitisisa sarudzo. Vatiwo Zimbabwe iri kutsvakawo rubatsiro rwemari yesarudzo kubva kusangano reSouthern African Develeopment Community nekunyika yeSouth Africa neAngola.

VaBiti vati zvakakosha kuti south africa inzwe chichemo chezimbabwe nekuti kana Zimbabwe ikaita sarudzo dzakasviba iyo ndiyo inozotambura nekuchengeta vanhu vanenge vachitiza munyika sezvakaitika musarudzo dzemuna 2008. VaBiti vatiwo vanovimba kuti Zimbabwe ichawana mari inosvika zana remamiriyoni kubva kuSouth Africa yavakakumbira.

Zimbabwe inotarisira kuita sarudzo gore rino risati rapera. Panyaya yechikafu, vati hurumende ichaisa parutivi mamiriyoni mashanu emadhora ekutenga chibage kubva kuZambia.

Vatiwo hurumende iri kupamagwaro ekutenga chibage kubva kunze kwenyika kumakambani akazvimirira kuti nyika iwane chikafu chakakwana. Pamusoro paizvozvo, VaBiti vati Zimbabwe ichakiwdza chikumbiro chayo kusangano reWorld Food Programme kuti sangano iri riibatsire nechibage nechinangwa chekuti pasawana vanhu vanofa nenzara munyika.

VaBiti vati hupfumi hwenyika hausi kufamba zvakanaka sezvo hurumende iri kutadza kuunganidza mari yainotarisira.

Vatiwo makambani emuno haasi kushanda zvakanaka uye nyika iri kurama nekutenga zvinhu kubva kunze kwenyika.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG