Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoronga Mitemo Inobata Zvakanaka Vanobva Kunze kweNyika Iyi?


Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinogara kuSouth Africa zvinoti mamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi nezvematongero enyika kuZimbabwe zvichaita kuti zvitore nguva yakawanda kuti zvifunge kusunga katundu zvakananga kumusha.

Vanhu ava vanoti hurumende yemuSouth Africa inofanirwa kuvabata zvakanaka kusvika zvinhu zvagadzikana munyika.

Vemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nenyanzvi munyaya dzezvemitemo vanobvumirana kuti kana South Africa ikatevedzera bumbiro rayo, pamwe nemitemo inobata kodzero dzevapoteri, zvinoita kuti vekune dzimwe nyika vasagare vakasungwa kana kudzoserwa kunyika dzavo.

Gweta musangano reLawyers for Human Rights, Muzvare Thandeka Duma, vanoti mapurisa anofanirwa kusvitsa nyaya dzese dzine chekuita nezvekupinda munyika kuvashandi vebazi rezvemukati menyika. Muzvare Duma vanoda zvakare kuti zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinenge zvasungwa, zvibatwe sevanhu sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Muzvare Duma vanoti vakuru vepakamba yeLindela inochengeterwa vapoteri vasati vadzoserwa kunyika dzavo vanofanira kubvumidza masangano anorwira kodzero dzevanhu kuti aongorore zviri kuitika mukamba iyi, sezvo zvinonzi zviri kuitikako, zvisiri kufadza vanhu vakawanda.

Muzvare Duma vanoti South Africa inofanirwa kutsvaga dzimwe nzira dzirinani dzekugadzirisa dambudziko revari kupinda munyika zvisiri pamutemo.
Muzvare Duma vanoti panofanirwa kuitwa ongororo yakasimba munhu asati asungwa nemhosva yekupinda munyika zvisiri pamutemo.

Rimwe remagweta anorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neGlobal Zimbabwe, VaDaniel Molokele, vanotiwo zvakakosha kuti mapurisa atange aita basa rawo nemazvo asati asunga munhu, nekuti dzimwe nguva hurumende iri kurasikirwa nemari yakawanda apo inenge ichichengeta munhu anozoonekwa asina mhosva yaakapara.

Semuenzaniso, hurumende yakashandisa mari inoita bhiriyoni rimwe chete nemazana masere ezviuru zvemaranzi, (1.8billion rands) pakati pa2009 na 2010 ichichengeta vanhu vakanga vasungirwa kugara zvisiri pamutemo munyika iyi.

Nhengo yebhodhi reCrisis in Zimbabwe Coalition, Amai Thoko Matshe, vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa kuti zvikoshese kuwana mvumo yekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Amai Matshe vanotiwo muzinda weZimbabwe muSouth Africa unofanirwa kupa zvizvarwa zveZimbabwe magwaro ekuberekwa, zvitupa kwete kuti vanhu vanzi vaende kuZimbabwe kunotora magwaro aya.

Vanotiwo hurumende yeSouth Africa inofanirwa kuita chimwe chirongwa chechipiri chekuwanisa zvizvarwa zveZimbabwe mvumo yekugara munyika zviri pamutemo.

Asi mukuru webazi rezvemukati menyika, VaMkuseli Apleni, vanoti chirongwa ichi chakatopera zvachose.

VaApleni vanoti bazi ravo richaita zvese zvarinogona mukuremekedza kodzero dzevanhu vekune dzimwe nyika.

VaApleni vanoti vari kushanda zvakasimba kupedza huori hunonzi huri mubazi iri. Vanoti vanhu vanenge vamanikidzwa kubvisa mari yechioko muhomwe vanofanira kuzivisa vakuru vebazi iri panhamba dzerunhare dzisingabhadharwe mari dzinoti 0800 20 44 76 kana kuti 0800 60 11 90.

VaApleni vanoti pari zvino bazi ravo riri kugadzirisa mitemo inoona nezvekupinda kwevanhu munyika. Kana mitemo iyi yava kushanda, mahofisi ese ekutsvaga hupoteri achaiswa pamiganhu yenyika ukowo anenge abatwa nemhosva yekupinda muSouth Africa zvisiri pamutemo, anogona kupedza makore mana ari mujere.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG