Accessibility links

Breaking News

Tsvakiridzo Itsva Yoisa VaTsvangirai naVaMugabe paRumananzombe


VaTsvangirai naVaMugabe
VaTsvangirai naVaMugabe
Imwe tsvakiridzo yakaitwa neMass Public Opinion Institute, ichibatsirwa nesangano re Afrobarometer, inoratidza kuti bato reZanu PF rinogona kukunda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Asi tsvakiridzo iyi inotiwo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanogona kukundawo VaMugabe sezvo vanhu vazhinji vakaramba kutaura kuti vachavhota sei mutsvakiridzo iyi vachifungidzirwa kuti vanotsira MDC yaVaTsvangirai.

Zvakabuda mutsvakiridzo iyi zviri mugwaro rakanzi “Voting Intentions in Zimbabwe - a Margin of Terror” zvinoratidza kuti bato reZanu PF rinowana zvikamu makumi matatu nezviviri kubva muzana, MDC-T ichiwana zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana.

Inotiwo zvikamu makumi maviri nezviviri kubva muzana, zvakaramba kutaura kuti zvichavhota sei musarudzo. MDC-T inoti vanhu vazhinji vasingadi kubuda pachena vatsigiri vavo sezvo vasingavimbi nevanhu vanenge vachiita tsvakiridzo iyi.

Tsvakiridzo iyi inotiwo kana zvikamu izvi zvikavhota, vazhinji vacho vanovhotera MDC-T izvi zvinozoita kuti bato iri rizokunda musarudzo dzemutungamiri wenyika nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana, uku Zanu PF ichiwana zvikamu makumi mana nezishanu kubva muzana.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rinotambira zvabuda mutsvakiridzo iyi uye vati yakasiyana netsvakiridzo yakaburitswa neveMass Public Opinion Institute vachitsigirwa nesangano reFreedom House.

Ukuwo mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vatiwo zvakabuda mutsvakiridzo iyi zvinoratidza basa rakanaka riri kuitwa nebato ravo.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti hapana anonyatso kukunda pasarudzo yemutungamiriri wenyika uye zvakadai zvikaitika, panotoitwa imwe sarudzo yemutungamiri wenyika, presidential run off sezvakaitwa muna 2008.

Ongororo iyi, iyo yakaitwa pavanhu zviuru zviviri nemazana maviri munzvimbo dzakasiyana siyana, inotiwo munyika muchine kutya kwakanyanya izvo zviri kuita kuti veruzhinji vatye kutaura pfungwa dzavo.

Mushure mekuongorora zvakadzama zvabuda mutsvairikidzo iyi, VaPedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster University kuBritain, vanoti zvabuda mutsvakiridzo iyi zvinoratidza kuti bato reMDC rinofanira kusunga dzisimbe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vakashanda kwenguva yakareba sechipangamazano mu Crisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vatiwo zvakakosha kuti MDC-T iteerere zviri kubuda mutsvakiridzo idzi.

VaMavhinga vatiwo tsvakiridzo yerwendo rwuno yakaitwa nevanhu vane ruzivo rwepamusoro pane vakaita tsvakiridzo yeMass Public Opinion Institute yaitsigirwa neFreedom House.
XS
SM
MD
LG